Maporofita enyoka tinoaziva

03 Oct, 2014 - 09:10 0 Views
Maporofita enyoka tinoaziva MAPOROFITA emanyepo matatu ari mukamba yemapurisa kuGoromonzi. — Mifananidzo: Memory Mangombe

Kwayedza

NDAKAMBOZVIONA zvekuti maporofita anosvika panzvimbo oita ruzha nemasaramusi achiudza vanhu kuti zvanga zvichivanetsa zvapera. Asi kana maporofita aye aenda, zvinhu zviye zvotanga kutonyanyisa.
Kunyepa kuye kana muchiudzwa nemaporofita kuti tiri kuda kuenda kugomo rakati kunorasa nyoka, kana kunoita munamato. Dai zvaidaro kuti minamato inongoitwa pane dzimwe nzvimbo chete sezvaifungwa nemukadzi muSamaria akanga ati kuna Jesu, “Madzibaba edu ainamatira mugomo iro, asi imi munoti muJerusaremu ndimo mekunamatira,” dai Jesu asina kumuudza kuti vanonamata Mwari vanofanira kumunamata mumweya nemuzvokwadi.

Nyaya iripo ndeyekuti “hatirwe nenyama neropa.” Izvi zvemaporofita anobata nyoka tave kuzviziva. Inga wani bepanhau reKwayedza riri kugara richingofumura maporofita anobatwa aine nyoka. Hatingafarire kuti pamba paMbuya Munemo pakabatwa nyoka, iyo iri nyoka yakauya nevaridzi vayo. Vanhu pepukai!

Iwo maporofita iwaya akambobva kupiko? Havasi vanhu here vakangoti vaverenga Kwayedza vachibva vaona kuti paita mukana wekufambisa mazita nekuita mari nedambudziko rechembere iyi?

Chavakabatsira nacho chii kunze kwekusvibisa zita raMwari ravakashandisa? Chavakarambira kudzoka pavakashevedzwa chii? Ko chavakapirwa mari nagogo ava chii, ivo vamboti havabhadharise?

Jesu nekuda kwekutifira kwaakaita, akaita kuti tigashirwe naMwari, tive vatsvene uye vasina mhosva kuna Mwari.

Kana kutenda kwako munhu kukave muropa raJesu, havasi vaporofita vanobata nyoka vanoita kuti zvako zviite.

Handizive kuti sei tichifunga kuti nhamo dzedu dzinopedzwa nemaporofita nendimi dzavo, nenyoka dzavo dzavanobata.

Nhamo dzedu dzinopedzwa nezvatakaitirwa naJesu pamuchinjikwa. Kana tikavimba nezvatakaitirwa naJesu, tinenge tatokwana. Mwari vakaita chinhu chikuru kwazvo kuti uve mwana wavo, saka havangazorega kukurwira nekukuchengetedza kuti usarasike nekurasikirwa nehupenyu hwako nekuda kwemaporofita.

Saka ndakambonyora ndichiti gogo ngavasiyane nezvenjuzu nezvakawanda vagamuchire Jesu semuponesi wavo.

Maporofita muBhaibheri anotaura shoko raMwari kuvanhu. Zvino isu maporofita edu ave ekunyepera nekutyisidzira vanhu. Kushandirwa hakupedze dambudziko nekupa munhu rugare. Kubhadhara maporofita hakupedze nhamo dzagogo vekutambudzwa nezvidhoma. Kuita ruzha nemashiripiti kwakaitwa nemaporofita hakusi kupa gogo kufurwa nemhepo.

Asi dai pane akatsanangurira gogo ava nezvesimba riri muropa raJesu, vaisvika pakuziva kuti munhu unokwanisa kurarama usina kutya. Chokwadi chiripo ndechekuti kuve nemhosva kwedu kwakabviswa neropa raJesu.

Mwari vakaita kuti zvive nyore kuti vanhu tivawane, uye kuti zvisave nyore kuti tirasikirwe nerudo rwavo. Fumurai hunhubu hwemaporofita anoti kana chitsotsi chavo chaonekwa votanga kungohumana vachiita kuti vanhu vafunge kuti Jesu haana simba. Ndiko kuti chii ikoko kana muporofita achiti dambudziko rambuya Munemo rapera, asi ozoti zvakare, “Zvidhoma izvi zvakagadzikwa pana Mobby. Saka mwana uyu ndiye anoda kushandwa, uye ndichahaka mweya wacho.”

Mbuya Munemo ngavabatsirwe nevanhu vaMwari vanovimba neshoko raMwari kwete nenyoka.

Mbuya Munemo vanodiwa naJesu, ivo ngavagamuchire Jesu, kuti avafukidze muropa rake rinokunda simba remweya yetsvina. Jesu haabhadharise, asi iye ndiye akatobhadharira Mbuya Munemo kare kare.

Share This:

Sponsored Links