Uncategorized

Maporofita enyu maActor, maDoctor, maTractor

02 Feb, 2018 - 00:02 0 Views

Kwayedza

naIgnatius Mabasa
KUITA kwaMwari kunondimenya kunge bhanana. Nyasha dzaMwari dzinonditsvaira kunge chivanze chine marara. Rudo rwavo rwuchindisakurira kunge munda wanga wararira nesora.

Ndine tarisiro muna Mwari yakakura. Ndinoda Mwari akasika matenga nenyika, iye Mwari akakusha zuva, nyenyedzi nemwedzi nekutaura chete.

Ndiye Mwari akaruka munhu – ganda, marunda, netwundiro twunomhanya nezvekudya muunzanzanza hwetsinga dzemuviri.

Iyeye Mwari wandiri kutaura nezvake, anoziva kuti tiri munyika ine varoyi nevanhu vari kuroyiwa. Mwari vanoziva kuti tiri munyika ine maporofita anenge mosikito inoruma, kusveta ropa nekupa marariya.

Maporofita haana basa nekufudza vanhu, asi nekufadza vanhu.

Kana variko maporofita anoshambadza mashura, endai munodzosa mwana ane makore 3 akatorwa nechamupupuri kuBeatrice.

Ehe, kana muchiita back to sender nekuudza vanhu kuti hapana chamusingagone, endai munobatsira vagari vekwaMunyawiri kuDomboshawa kune vana vakaona chidhoma chaive nesutu nebhutsu.

Regai kuita maporofita-hapurakatapura anoActor mafirimu, achidhirima seTractor achinyepera kuita maDoctor.

Mwari haasi paWhatsApp vakomana.

Ini chandinoda kutya Mwari nekubata zita raMwari nehutsvene kwete nehusvinu. Ichokwadi nzira dzekuenda kuna Mwari dzinogona kuita sedzakawanda, asi Jesu akati, “Ndini nzira, chokwadi nehupenyu, hapana anoenda kuna Baba, asi nekwandiri.”

Kurumidza kutarisa kuti nzira yauri kufamba uchitevera maporofita-actor-tractor-doctor inzira here kana kuti inzara wakarima. Chichatisakadza sesaga kutevera tsika dzevanhu. Hezvo vamwe vakazoti kana munhu afa tinomusvina hura tisati tamuviga kuitira kuti aende akachena.

Chitunha hachina basa nyangwe mukachiisa make-up yakaita sei nekuchipfekedza sutu nekuchisvina matumbu, chinongoora.

Kana Mwari vachiti wakauya panyika usina chinhu, uchadzokerazve usina chinhu, havasi kureva chinhu chiri mudumbu mako. Saka iyi nyaya yekuti chitunha chioneswe ndondo chichikanywa-kanywa, kupindurwa nekusunamiswa nekuti vanhu vari kuda kuburitsa tsvina hainei naMwari!

Kana maburitsa tsvina iri mumatumbu, ndiko kuti agonzi achene here? Kuchena kunodiwa naMwari hakusi kuchena kwenyama. Kana vanhu vakasvina hura hwemunhu, ngavasvine nepfungwa, rurimi, maziso, nzeve nemwoyo wake.

Regai kuwana nzvimbo yezvinhu zvevanhu asi muchishaya nzvimbo yeShoko raJehovha. Kana mukasiya dzimwe tsika dzichikumedzai, musafunge kuti dzichakurutsai, asi munozongobuda mave ndove inonhuhwa, inounganirwa nenhunzi nehonye.

Kana uchiri kubhiga vamwe vanhu uchenjere kupedzisira wasvika paye pakasvika vamwe vaifarira Macheso vakazonanzva bhutsu yake. Bhaibheri rinoti, “Hamuzive here kuti kana mukazvipa kune mumwe munhu kuti mumuteerere sevaranda, muri varanda vemunhu iyeye wamunoteerera. Munogona kuita varanda vechivi chinoendesa kurufu, kana kuve varanda vekuteerera kunoendesa kukururama.”

Ndinozviziva kuti kune zvizhinji zvinotipa manyemwe, zvizhinji zvinotitonga – doro, mari, mota, promotion, Facebook, vanhu, kwatinogara, foni, fashoni nemafirimu atinoona. Asi kuna Isaya kwakanzi, “Haiwa Jehovha Mwari wedu, mamwe madzishe kunze kwenyu akatitonga, asi zita renyu ndiro ratinokudza chete.”

Usati watanga kutevera vamwe vanhu vasiri kuzivawo kwavari kuenda, ziva kuti newewo chipikiri uri simbi, saka usangopedzera simba rako kusando, uchiti sando dzako sando.

Gudo aida kufanana naTsuro. Tsuro achida kudzvova saShumba. Asi Shumba airwarira kuti ave nemuviri mukuru saNzou. Uyuwo Nzou aida njere sedzaKamba, iye Kamba achiti dai ndirini Gudo ndaizokwira mawere ndisingatye. Usatevere vanhu. Tevera Jesu, ane dzimba zhinji dzekugara.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>