Maporofita kwicho vakatakura zinyoka

21 Aug, 2014 - 08:08 0 Views
Maporofita kwicho vakatakura zinyoka MAPOROFITA emanyepo matatu ari mukamba yemapurisa kuGoromonzi. — Mifananidzo: Memory Mangombe

Kwayedza

MAPOROFITA emanyepo matatu ari mukamba yemapurisa kuGoromonzi. — Mifananidzo: Memory Mangombe

MAPOROFITA emanyepo matatu ari mukamba yemapurisa kuGoromonzi. — Mifananidzo: Memory Mangombe

MAPOROFITA matatu echechi yeJohane Masowe yeNguwo Tsvuku, ayo anofungirwa kuti ndeemanyepo, akasungwa nemusi weMuvhuro svondo rino apo vainge vaine mukweshwa wezinyoka rerudzi rwechiva, iyo vakanga vaenda nayo pane mumwe musha uri kwaRusike, kuGoromonzi vachiti vaida kunobvisa zvinonetsa.

Mutauriri wemapurisa munyika, Chief Superitendent Paul Nyathi, vanoti vakasungwa ava ndiForget Mereki (29) wekuDamafalls Phase 2, kuRuwa, Marasikwa Taisekwa (30) wekuArdbennie, muHarare naTsungai Chivara wekuChitungwiza.

Vatatu ava vakasungwa nemapurisa ekuGoromonzi.

Nyaya iyi inonzi yakatanga apo mhuri yekwaMudzamiri, inogara kuKuwadzana, muHarare, yakashanyira maporofita aya vachida kushandirwa kumba kwavo, kwakare kuKuwadzana nemusi waNyamavhuvhu 14.

Mhuri iyi yaitungamirirwa naFidious Mudzamiri, vanova baba vemhuri, pakuenda kumaporofita aya. Chief Supt Nyathi vanoti mumwe wemaporofita aya akazivisa mhuri iyi kuti kumba kwavo kwaiva nenyoka yaikonzera hurwere nematambudziko akasiyana.

“Mhuri iyi yakazonzi ibhadhare mari dzakatsaukana, kusanganisira US$12 yekutenga jira, US$100 yekutenga hwai neUS$20 yekutenga peturu yekuenda kunzvimbo kwaifanirwa kunoshandirwa mhuri iyi,” vakadaro Chief Supt Nyathi.

Maporofita aya anonzi akazoenda kumba kwemhuri iyi kuKuwadzana uko vose vakanoiswa muimba imwe chete, magonhi edzimwe dzimba dzose ndokunzi avhurwe apo vaishandirwa.

Mumwe wemaporofita aya anonzi akazopinda muimwe imba maiva musina vanhu ndokuratidza mhuri iyi nyoka iyo yainzi yaikonzera matambudziko nekuunza hurwere.

Nekuda kwebasa iri, maporofita aya akanzi akati aida muripo weUS$600 ndokupihwa US$300 pakerepo.

Maporofita aya anonzi akazotaurira mhuri iyi kuti kumusha kwavo kwaRusike, kuGoromonzi, kwaivawo neimwe nyoka uko vakazoenda nemusi waNyamavhuvhu 16.

Vasvika kuGoromonzi, mumwe wemaporofita aya anonzi akasvikobvisa chainzi chikwambo chaiva muwodhiropu vachibva vadzokera kuHarare.

Nemusi waNyamavhuvhu 17, maporofita aya anonzi akadzokera zvakare kwaRusike, uko mhuri iyi yakasvikonzi igare muimba imwe chete apo magonhi edzimba dzose akanzi avhurwe zvakare. Mumwe wemaporofita enhema aya anonzi akazobuda panze ndokuenda kumotokari uko anonzi ainotora tsvimbo yavanoshandisa inonzi inoyera.

Vanhu vemhuri iyi vaivapo vaiti Fidious Mudzamiri, Tedious Mudzamiri naCaesar Mudzamiri.

Caesar anonzi akaramba achiongorora mafambiro aiita maporofita emanyepo aya apo akazoona mumwe wavo achitakura saga raiva nenyoka achida kunoisa mumba izvo zvakaita kuti vabvunzurudzwe.

Maporofita aya anonzi akabvuma kuti vaishandisa nyoka pakubira vanhu ndokuti nyoka yaiva musanga iyi vakanga vaitora kuMukuvisi Woodlands, kuHarare.

Nyoka iyi inonzi payakamboburitswa musaga rayaive yakaruma gonzo rikabva rafira pakerepo.

Maporofita enhema aya akazoendeswa kumapurisa uko vaiva vakachengetedzwa vachimirira kuendeswa kumatare edzimhosva.

Kusvika pakudhindwa kwenyaya ino, hazvina kunge zvazivikanwa kuti nyoka iyi yakazoitwa sei nayo sezvo zvichinzi yaive yakamirira kutorwaneveNational Parks and Wildlife Management.

Chief Supt Nyathi vakayambira veruzhinji kuti kana vaita matambudziko vasiyane nekumhanyira kumaporofita nekuti vanononyeperwa, vobirwa mari dzavo, zvipfuyo nehumwe upfumi.

“Maporofita enhema awandisa, imbavha idzi. Tinoti vanhu vangwarire maporofita aya uye isu semapurisa ticharamba tichisunga ny’any’a idzi kusvika dzapera, hatinete,” vakadaro Chief Spt Nyathi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey