Uncategorized

MAPOROFITA, N’ANGA NENYOKA . . . ‘Variko vanokanda nyoka mudzimba’

16 Mar, 2018 - 00:03 0 Views
MAPOROFITA,  N’ANGA NENYOKA . . . ‘Variko vanokanda nyoka mudzimba’ Shato inonzi yaishandiswa nevamwe mbuya vekuZhombe kuroya.

Kwayedza

Kingstone Mapupu
“ABATWA akamonera nyoka muchiuno!”, “Mumba mavo mawanikwa zinyoka nekamba”, “Nyoka yake ndiyo yapedza kuuraya hama”, “Ndinoitwa mukadzi nezinyoka”, “Anga aine nyoka mubhuti remota” . . .

Izvi nezvimwe zvakawanda ndizvo zvagara zvinotaurwa pose pane vanhu vanenge “vashandirwa” nemuporofita kana kuti nen’anga.

Pose panotaurwa zvehuroyi panotobuda shoko rinoti “NYOKA”.

Mazuva ano, kunyanya apo maporofita nen’anga vanenge vachichenura kana kushandira misha yevanhu — vachipumha huroyi — vanowanzobata nyoka idzo dzinonzi dziri kushandiswa mumabasa ehuroyi.

Izvi zviri kusiya veruzhinji vaine mibvunzo yakadai sekuti sei maporofita nen’anga ava vasiri kubatawo mazizi kana mapere izvo kubva nakare zvinonzi zvimwe zvezvipuka zvinoshandiswa nevaroyi?

Sei kusina muporofita kana n’anga ati ambobata bere kana kubata dzimwe mhuka huru? Hakuna here mukana wekuti nyoka nekamba zvipuka zvakarerura kubatwa nemaporofita nen’anga, vozviisa mumabhegi vanoenda nazvo kuvanhu vavanononyebera kuti vazvibata pamisha yavo? Nekuti nyoka inoisika mubhagi, kwete bere!

Muporofita aive akamonererwa nenyoka yainzi ndeyake

Nyoka dzacho dzakangofanana — mhungu kana shato.

Kune mashoko ari kubuda anoti mamwe maporofita nen’anga vanotora nyoka nezvikwambo zvemanyepo — zvimwe zvacho zvava kutotengeswa sekuMbare, muHarare — vachikokanda mumisha yavanenge vakokwa kuti vanochenura, vonyepa kuti zvinhu izvi zvinenge zvichishandiswa mumabasa ehuroyi.

Vakaita izvi uye vanhu vari kushandirwa “vakangobwaira”, mari nepfuma zvatoenda.

Kunonziwo kune vanhu vave kuitawo basa rekuchera nyoka vachitengesera vangave vanaTsikamutanda kana maporofita enhema aya. Ndokusaka kuine mamwe maporofita ari kubatwa aine zvikwambo zvenhema.

Lovemore Lewis

Munguva pfupi yakadarika, Kwayedza yakaburitsa nyaya yemaporofita akabatwa aine nyoka— mhungu – nezvimwe zvinhu mumota yavo avo vainge vachida kuchinja mari pakati peguta reHarare.

Nguva pfupi yadarika zvakare, imwe n’anga inonzi Eddison Mhembere (38) kana kuti Sekuru Gorejena, inobva kwaMasembura, kuBindura, “yakabata” nyoka yemhungu papurazi raDavid Worswick, kuMarondera, apo yaishandira vanhu iri musvo. Kwayedza yakaburitsa nyaya iyi sezvairi — “bambo” vakashama pamberi pechaunga.

Vaverengi vakagumbuka nemaitiro en’anga iyi vakati inofanirwa kusungwa.

Makore adarika zvakare, mumwe murume anonzi Grey Mupinganjira (35) wemubhuku raMuhove, kwaChihota, akasungwa nemapurisa emuHarare apo aiva nenyoka yemhungu mubhegi rake ari mukombi achiti ainoitengesa kuEpworth.

Murume uyu akamiswa mudare redzimhosva aka batwa nemhosva yekugara nenyoka asina magwaro ekumutendera kuita izvi.

KwaChihota kwekare, kune murume anonzi Lovemore Lewis (42) — uyo anonyanya kuzivikanwa nezita remadunhurirwa rekuti Chekamwana — uyo akabvuma kukKwayedza kuti anochera nyoka achitengesera n’anga nemaporofita.

Grey Mupinganjira

Mugore ra2014, mapurisa ekuGoromonzi vakabata maporofita echechi yeJohane Masowe yeNguwo Tsvuku mushure mekunge vakanokanda nyoka yerudzi rwemhungu pamusha pevanhu vachibva vaonekwa neveruzhinji ndokusungwa. Ava vakanyangira yainge yaona!

Maporofita aya anosanganisira Forget Mereki (37), Marasika Taisekwa (38) naTsungai Chivara avo vose vakaenda kumatare edzimhosva vakapihwa zvirango zvavo.

Sezvinonzi izvi zvishoma, Kwayedza remusi wa16 Kukadzi gore rino, rakaburitsa nyaya yemukadzi ari pabarika wekuPenhalonga, kwaMutare, uyo anonzi nemuporofita Madzibaba Nobert Rwenga wechechi yeTsime Reupenyu Apostolic Sect anga achishandisa nyoka mbiri — mhungu —semupfuhwira wekuti adiwe nemurume wavo.

Mubepa remusi mumwe chetewo, chimhandara Chipo wemuHarare akabudawo achiti, “Ndinogara nenyoka mudumbu”.

Svondo rapera pamberi, pane imwezve n’anga, Sekuru Booster, iyo yakabuda ichiti yainge yabata nyoka — mhungu — iyo yakadya vanhu vasere pamumwe musha uri kwaNyandoro, kuMarondera.

Chii chimboripo panyoka idzi, maporofita, n’anga nevaroyi?

Kwayedza inoita ongororo yenyaya iyi ichida kunzwa kuti sei nyoka dziri idzo dzave kunyanya kubatwa pose panochenurwa misha dzichinzi dzinenge dzichishandiswa nevaroyi?

Mutevedzeri wemutauriri wemapurisa munyika, Chief Superitendent Paul Nyathi, vanoyambira veruzhinji nekuda kwanaTsikamutanda nemaporofita enhema.

Sekuru Gorejena

“Vanhu ngavangwarire maporofita nen’anga venhema nekuti zvikiribidi zvawanda zviri kuitwa nevanhu ivava,” vanodaro Chief Supt Nyathi.

Kuchiti Sekuru Elisha Mutanga, avo vanorapa vari pasi pesangano reZinatha muHarare, vanoti kune nyoka dzevaroyi koitawo dzemusango.

“Matsotsi awanda munyaya dzekurapa pachivanhu – kwava nemaporofita nen’anga vechitsotsi. Semanzwiro edu, kune vanochera nyoka vachitengesa, ivava ndivo vakanganisa basa rekushandira vanhu pachivanhu,” vanodaro.

Mashoko avo anotsinhirwa naSekuru Friday Chisanyu — vanova mukuru wesangano reZimbabwe National Practitioner’s Association (ZINPA) — vachiti kune n’anga dzinozviti vanaTsikamutanda nemamwe maporofita vanonokanda nyoka nezvimwe zvinhu mudzimba dzevanhu vachizoti vabata nyoka dzevaroyi.

“Varapi vechitsotsi vawanda vanokanda zvinhu mudzimba dzevanhu, saka mapurisa ngavasunge vanhu ivava uyewo ivo vanhu ngavangwarire,” vanodaro Sekuru Chisanyu.

Madzibaba Godfrey Sakatira (41) vechechi yeKubata kwaJehovah Apostolic Church avo kumusha vanobva kwaMutasa, kwaMutare, vanotiwo hazvichashamisa kuti nyoka ibatwe ichinzi inoshandiswa nemuroyi.

“Pane zvinhu zvinoshandiswa nevaroyi zvakawanda, asi nyoka iri pamberi. Ndokusaka muchiona dzichibatwawo dzakawanda. Hongu mazizi, kamba, mipurwa, madumwa nezvimwe zviriko asi nyoka dzakawanda ndidzo dzinonyanya kushandiswa nevaroyi,” vanodaro Madzibaba Godfrey.

Muporofita uyu — uyo pari zvino ari kugara kuUnit O, kuChitungwiza uye achishandira vanhu kuMbare, muHarare — anotsinhira kuti kune mamwe maporofita nen’anga matsotsi avo vanokandira vanhu zvinhu zvinosanganisira nyoka mudzimba dzavo, pashure vozonyepa vachiti vanenge vazvibata kuburikidza nemasimba avo.

Votaurawo pamusoro penyaya iyi, VaEdward Moyo (45), avo vanozivikanwa saSekuru Booster vekwaSamambwa, kuEsidakeni, kuZhombe, vanoti nyoka chikara chinoshandiswa nevaroyi kudarika dzimwe mhuka.

“Huroyi hwave kuwanikwa muno muZimbabwe ndehwekuromba apo vanhu vari kunotora mishonga kunyika dzakaita seNigeria, Ghana, Uganda, DRC, SA nekumwewo kunonyanya kushanda huroyi hwenyoka. Varoyi variko zvedi vanoshandisa nyoka nedzimwe mhuka, saka kuwanda kwenyoka dziri kubatwa hazvishamise.

“Asi handirambe kuti kune vanokandira zvipuka izvi mudzimba dzevanhu vachivanyepera,” vanodaro Sekuru Booster.

Vanoti mhando dzenyoka dzinoshandiswa nevaroyi dzinosiyana kubvira kumhungu, mhakure, ndara, tsutsukuviri, chiva, shato, rovambira nedzimwe. Asi havana kujekesa kuti sei kazhinji kacho maporofita nen’anga vachingobata mhungu kana shato.

“Kare kwainyanya kuzivikanwa varoyi vachifamba nemapere nemazizi izvo nanhasi vanoshandisa. Asi mapere kazhinji anoshanda iri mishonga zvisingaonekwe nemaziso,” vanodaro.

Kuchiti mukuru wesangano reZinatha, VaGeorge Kandiyero, vanotsinhira nyaya yevanhu vanochera nyoka vachitengesera n’anga nemaporofita idzo dzinozokandwa mudzimba dzevanhu dzotorwa sedzevaroyi.

Vanoti kuchera nyoka kuri nyore pane kunovhima bere rekuti vanokandira vanhu pamisha.

“Varapwa vanouya kwatiri vachitsutsumwa nekuda kwezvinhu zvakadai, tinoendesa nyaya dzacho kumapurisa, vanhu ivava vosungwa,” vanodaro VaKandiyero.

Madzibaba Webster Matika (48) vechechi yePredefia Apostolic Church, vekuDora, kwaMutare, asi vachinamatira muguta reHarare vanoti nyoka, mapere nemazizi ndizvo zvombo zvevaroyi pasi rose.

“Varoyi vanoshandisa nyoka, mapere, mazizi nedzimwewo mhuka. Nyaya dzenyoka dziri kubatwa nevamwe idzi handigone kuzvitsanangura nekuti ini ndinouraya mishonga inopinduka kuita nyoka. Handibate nyoka, hongu kune maporofita nen’anga vanotsotsa vanhu vachiita zvekukanda mumisha,” vanodaro.

Vanoti kune nyoka dzinotumwa kunotora mari kuvanhu nekuita zvakasiyana sekutora zvirimwa mumatura nemuminda.

Madzibaba Strive Masango vechechi yeKubata kweVapositori yekuRugare, muHarare, vanotiwo zvipuka zvose zvepasi rino zvinoshandiswa mukuroya zvichisiyana nehuroyi hwacho.

“Pane nyoka dzaMwari nenyoka dzevaroyi nezvimwewo. Kune nyoka dzinonanzva vanhu, vamwe vachipofomara,” vanodaro Madzibaba Masango.

Bishop Alfred Mupfumbati, avo vanonyanya kuzivikanwa nekuti Madzibaba Matewu (35), vechechi yeUngano yeVapositori vachinamatira kuBudiriro, muHarare, vanoti nyoka ndicho chikara chikuru chinoshandiswa nevaroyi kudarika zvimwe zvipuka.

“Dzinza roga-roga rinotowanikwa hama kana sahwira ane huroyi hunoshandiswa nyoka. Dzinotoda kubviswa kuti vanhu vagare zvakanaka. Zveavo vanonzi vanoita nyoka dzekukanda mudzimba dzevanhu hamhenowo.

“Asi chokwadi varoyi vanoshandisa nyoka vakawanda zvikuru, mhuka yose inokwanisa kushandiswa pakuroya,” vanodaro Madzibaba Mateu.

Kungange kuine nyoka dzinoshandiswa nevaroyi, asi zvinoita sekunge zhinji dzave “kubatwa” mumisha yevanhu vanenge vachida kubatsirwa dzekunyeba – idzo dzinenge dzakandwa nemaporofita kana nen’anga.

Apa mumwe munhu mumhuri anenge atopumhwa huroyi hwaasina achinzi ndiye muridzi wenyoka isiri yake vanhu vosara vachivengana.

Zvava kuda kutongwarira!

Share This:

Sponsored Links