Uncategorized

Maporofita nen’anga hokoyo!

10 Apr, 2015 - 00:04 0 Views

Kwayedza

ISHE Chundu vekuHurungwe vari kuyambira maporofita nen’anga dzenhema kuti vasanyepere vanhu pamusoro pezvirwere zvavasingagone kurapa pamwe nekuvarambidza kuenda kuzvipatara sezvo izvi zvichigona kukonzera rufu.

Vachitaura svondo rapera pagungano revanhu vaisanganisira n’anga nemaporofita, pamusangano wakaitirwa pachikoro cheChitindiva, Ishe Chundu, VaAbel Mbasera (40) vakati machiremba echivanhu vanofanira kuita basa ravo nemazvo.

Mukuru wesangano rinomirira n’anga nemaporofita, reZimbabwe National Practitioners Association (ZINPA), VaFriday Chisanyu, vamiriri vesangano reTraditional Medical Practitioners Council (TMPC) pamwe nemasabhuku 105 ari pasi paChundu, vaivepowo pamusangano uyu.

Ishe Chundu vakati kune dzimwe n’anga nemaporofita vari kutorera vanhu upfumi hwavo kuburikidza nekushandisa nzira dzechitsotsi.

“Tine n’anga kuno dzanga dzanetsa nekutorera vanhu upfumi hwavo, kusanganisira mombe, vachinanga vanhu huroyi nezvimwe. Tinoti bumbiro remutemo wenyika ino haribvumidze vanhu ava kuita basa ravo iri saka tinoti machiremba aya ngaashande maringe nemutemo wenyika kwete zvavanofunga ivo,” vakadaro Ishe Chundu.

“Tinotarisira kuti machiremba echivanhu ashande nezvipatara pakubatsira kurapa zvirwere zvakasiyana. Unonzwa mumwe chiremba achinzi ari kutaurira varwere kuti anorapa Aids, tinokushevedzera mapurisa!”

Ishe Chundu vakazoyambira masabhuku aivepo kuti vasabvumidze n’anga kana maporofita anongosvikotanga kushandira mudunhu ravo vasina kupihwa bvumo navo.

VaChisanyu vakatsinhira kuti kune dzimwe n’anga nemaporofita vanobira vanhu upfumi hwavo.

“N’anga inonzi tsikamutanda ikasvika pamusha penyu inokukandirai zvinhu zvekunyepa mudzimba yotora mombe shanu dzasara pamusha. Mhuri inosara ichifa nenzara nekuti pamusha hapacharimwa, vana vave kutadza kuenda kuchikoro. N’anga dzerudzi urwu hadzidi kuonekwa,” vakadaro.

Vakakurudzira machiremba echivanhu kutora zvitupa zvinovapa mvumo yekushanda.

Share This:

Sponsored Links