Uncategorized

‘maporofita nen’anga pindirai’

09 Feb, 2018 - 00:02 0 Views
‘maporofita nen’anga pindirai’ Knowledge Nyamunda

Kwayedza

Kingstone Mapupu
VAKURU vemachechi akasiyana nenyanzvi dzezvechivanhu vari kukurudzirwa kuti vabatsire mhuri yekuBeatrice iyo ine mwana chipwere ari kunzi akatsakatika nguva pfupi yadarika mushure mekutorwa nechamupupuri apo aitamba nedzimwe pwere.

Knowledge Nyamunda (3) – uyo aigara nevabereki vake papurazi reRosyline Pattison, kwaMuda – anonzi akanyangarika pameso paamai vake apo pakangoerekana paita chamupupuri chichibva chaenda naye zvachose.

Nyaya inoita kunge firimu iyi inonzi yakaitika apo mwana uyu anonzi akangonyamurwa kunge kapepa apo aitamba nevamwe vana panhandare yemusha ndokubva atsakatika mumhepo.

Vabereki vemwana uyu — Herbert Nyamunda (42) naPlaxedes Gonera (24) – nerumwe ruzhinji papurazi iri vari mubishi kumutsvaga uye kwadarika mwedzi kubva paatsakatika.

Nyaya yekushaikwa kwemwana uyu yakamhan’arwa kumapurisa ayo ari kuiferefeta.

Zvichitevera kubuda kwenyaya inoshamisa iyi muKwayedza svondo rapera, dzimwe nyanzvi dzechivanhu dzinoti mwana uyu anogona kunge akatorwa nenjuzu, saka vabereki vake havafanire kuchema kuitira kuti adzoke ari mupenyu.

Mbuya Callister Magorimbo (54) vekuDzivaresekwa Extension, muHarare, vanoti nyaya iyi ine chivanhu chikuru.

“Zviri pachena kuti mwana uyu akatorwa nenjuzu. Zvava kuda kuti vabereki vacho vasacheme, kwobikwa doro rinotambwa sebira panzvimbo yakatorerwa mwana uyu – anodzoka.

“Hamheno, dzimwe nguva kune vanhu vanoshereketa vanokwanisa kutumira mhepo yechamupupuri yotora mwana uyu sezvakaitika, zvinoda kuti vatange vafamba,” vanodaro.

VaJonathan Shonhiwa (51) kana kuti Sekuru Mupamombe vekuTshovani, kuChiredzi, vanotsinhira vachiti mwana uyu haifanire kuchemwa, asi kuti hama dzake dzinofanirwa kutevedza chivanhu, kwobikwa bira apo vanhu vanonwa doro vachitamba panzvimbo yaakatorerwa.

“Rinoita fanika bhaisikopo kuti mwana akatorwa nechamupupuri asi chokwadi chiri pane zvinhu zviviri – varoyi kana mweya yakaipa inokwanisawo kushandisa mhepo uye idzo njuzu dzinoshandisazve mhepo. Saka ngakutangwe kwatsvagiwa kuti mhepo iyi ndeye mweya upi,” vanodaro.

Alfred “Madzibaba Mateu” Mupfumbati (34) vechechi yeUngano yeVapositori Apostolic Faith iri kuBudiriro, muHarare, vanoti zvinonetsa kuziva chaizvo zvakaitika kumwana uyu.

“Chivanhu ndinoziva kuti chiriko uye tinozivazve kuti Mwari variko. Pane nyaya yenjuzu apa kana kuti varoyi vanogona kunge varipo zvakare. Ngapasanganiswe zvose – n’anga nemaporofita – pakuzama kuti mwana uyu awanikwe,” vanodaro.

Madzibaba Strive Masango (31) vechechi yeKubata kweVapositori Apostolic Faith vekuRugare, muHarare, vanotiwo aya anogona kunge ari masaramusi akaitwa nevaroyi.

“Mhuri iyi inoda kubatsirwa nekuti panogona kunge paine kushereketa kwakaitwa nevaroyi kana kuchekereswa kwemwana nemishonga kana kutorwa nenjuzu. Vechivanhu nemaporofita ngavabatane vabatsire,” vanodaro.

Mbuya Alice Masoko, avo vanozivikanwa saMbuya Shumba (62) kwaSaunyama, kuNyanga – vanoti kana mwana uyu akatorwa nenjuzu, panongoda kuitwa chivanhu.

“Njuzu ikatora munhu, inogona kugara naye kwemakore kana makumi maviri chaiwo. Saka haisi nyaya inonzi anobuda mangwana, tine vanonyangarika kumakomo eNyanga, kuManicaland vanhu vaye vanotorwa nenjuzu – vapenyu. Ndokusaka ndichigara ndichitaura kuti kunoda kuitwa chivanhu,” vanodaro.

Mudzimai wemuHarare, Charity Makurumidze (34) uyo kumusha anobva kwaMakoni, kwaRusape, makore adarika akambobuda muKwayedza achidura kuti akagara nenjuzu pasi pemvura kwemakore 16.

Anoti akatorwa ari Grade 7 uye aiita basa rekurezva varume panyika pano achivatorera upfumi hwavo uhwo hwaaienda nahwo kune njuzu pasi pemvura.

Share This:

Sponsored Links