Uncategorized

Mapositori akadirwa doro pamasowe

01 Dec, 2017 - 00:12 0 Views
Mapositori akadirwa doro pamasowe

Kwayedza

Kingstone Mapupu —
MAPOSITORI eJohane Masowe weChishanu Nyenyedzi Nomwe yekuBudiriro 4, muHarare vanonzi vakarikitwa zvakaomarara kwemazuva mana akatevedzana nechikwata chevanhu vainwa doro, vamwe vavo ndokukuvara.

Vanonzi vakarohwa pasowe iri vanosanganisira varwere vepfungwa vakange vaenda kunobatsirwa uye nyaya iyi yakatomhan’rwa pakamba yemapurisa yekuBudiriro 2 iyo ine nhamba dzeRRB dzinoti 3284812.

Sowe iri rinotungamirirwa naMadzibaba Enock Herbert Senda (33) uye vanamati ava vanonzi vakatanga vadirwa doro ndokuzozvambaradzwa netsvimbo pamwe nezvibhakera.

Mutauriri wemapurisa mudunhu reHarare, Assistant Inspector Simon Chazovachii, vanotsinhira nyaya iyi vachiti iri kuferefetwa.

Pairohwa mapositori aya, zvinonzi kune vamwe vakabirwa mbatya nemari. Vamwe vevanhu vanonzi vakazivikanwa mukurwiswa kwemapositori aya mahwindi ekumakombi ekuBudiriro uye pane fungidziro yekuti vanogona kunge vakatumwa nevakuru vemasowe ekune mamwe masangano avo vari kunzi vakaonekwa vari mukati mezvidhakwa izvi.

Madzibaba Enock vanoti vainge vasipo pakaitika mhirizhonga iyi.

Mumwe wevakarohwa, Madzibaba Innocent Muguvhu (41), vanoti vanhu ava – avo vasina kuzivikanwa chinangwa chavo – vakavarova mazuva mana akatevedzana.

“Zuva rekutanga vanhu ava, avo vaisanganisira varume nemadzimai, vakauya nemotokari nhatu dzaiti rori, Noah neBenz ndokusvikotanga kubvarura matende anorarwa nekugarirwa nevanhu pamasowe edu. Pandakada kunzwisisana navo tiine vamwe, ndakagarwa netsvimbo mumusoro ndichibva ndadonha ndokubva ndadirwa doro. Magemenzi angu akanyorova nedoro, vanhu ava vaida kundiuraya zvechokwadi,” vanodaro Madzibaba Innocent.

Vanoenderera mberi: “Zuva rekutanga iri vanhu ava vakauya vaine moto haikona wekutamba apo vairova munhu wose, kusanganisira vana. Vanamati vedu vechidzimai vakatiza vachinohwanda musango repurazi reIngwe.

“Vamwe mbuya vanonzi Mbuya Ropa vakarohwa rinonzi nevapfanha gunha kana kuti ndare vachibva vapunzikira pasi nemuromo ndokuita maji, tikanyara marokwe afuguka. Ambuya ava vakazobirwa bhegi raiva nembatya ndokutorerwa $150 yaivemo.”

Panzvimbo iyi panonzi panogara paine varwere vakawanda – kusanganisira vepfungwa – avo vakasvikorohwawo nechikwata ichi.

“Nevarwere vepfungwa vainge vari pamiteuro yekubatsirwa vakazvambaradzwa zvose nevamwe vaisakwanisa kufamba. Pakaridzwa mhere yekudarika parufu.”

Chikwata ichi chinonzi chaideedzera kuti vanamati ava vanofanirwa kubva panzvimbo iyi nekukurumidza sezvo painzi pane basa guru rinoda kuvambwa ipapo.

“Musi wekutanga, vanhu ava vakauya mangwanani kuma 10, zuva rechipiri vakauya masikati kuma1, rechitatu ndokusvika zuva rodoka kuma5 kuchiti musi wekugumisira vakauya mangwanani. Hatina kuvadzosera sevanhu taitungamirirwa nemweya kuti tisadzosere sezvo zvaiva zvadudzirwa kuti tikadaro paizodeuka ropa.

“Vanamati vedu vanga vatiza pamasowe vave kugara musango nekuda kwechiitiko ichi. Nanhasi uno hatisati tagadzikana, tinogara takabatira hana dzedu mumawoko,” vanodaro Madzibaba Innocent. Madzibaba Enock vanoti vasvitsa makore 17 vachinamatira panzvimbo iyi.

“Isu tinonamatira runyararo kwete kurwisana, handizive kuti zvakabva kupi ini ndaiva ndisipo. Tamirira kunzwa zvichabva kumapurisa, asi vanamati vangu vakakuvadzwa zvikuru. Vamwe vakatoenda kuchipatara kunorapwa nekuda kwekurohwa uku.

‘‘Ambuya vakabirwa mari yavo $150 tiri kuvadzosera mari yavo sechechi,” vanodaro Madzibaba Enock.

Vanoti zvakaitika izvi mabasa evavengi vanoda kudzosera chinamato chavo kumashure uye vacharamba vachinamatira panzvimbo iyoyi.

“Hatina kwatiri kuenda isu sekutungamirirwa kwatakaitwa naBaba Johwani kuti tinamatire pano, ticharamba tiripo nekuda kwaMwari.”

Pakasvika vatori venhau pamasowe apa, mapositori aya akamboda kuvarwisa apo vaitungamirirwa nemumwe mupurisa aiva mumbatya dzebasa anoti anonamata pasowe iri vachivapomera mhosva yekuti vainge vatorerei mifananidzo pasowe ravo.

Zhowe-zhowe iri rakazopodzwa naMadzibaba Enock.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey