Uncategorized

Mapositori rapwai kuchipatara: Muporofita

03 Oct, 2014 - 09:10 0 Views

Kwayedza

MUPOROFITA wechikadzi wekuNorton, uyo ange ave nemakore matatu dumbu rake rakazvimba sezvinonzi ane pamuviri ndokuzovhiiwa kuchipatara cheChitungwiza Central Hospital, ari kushora zvitendero zvinorambidza vanamati vazvo kunorapwa kuzvipatara achiti iyi haisi nzira yakanaka yekunamata.

Madzimai Josephine “Mensista” Chavhunduka (37), avo vanova muporofita weJohane Masowe weChishanu, vakanobatsirwa kuchipatara ichi nguva pfupi yadarika apo vakavhiiwa ndokuburitswa chinhu chairema 43,1 kgs. Asi asati aenda kuchipatara ichi, mudzimai uyu aive nepfungwa yekuti zvaiva paari hazvipedzwe nekuchipatara dakara nyaya yake yazobuda muKwayedza achiti aitsvaga rubatsiro.

“Ndakazvionera pamhuno sefodya kuti machiremba anobatsira. Ndinoti kumachechi anorambidza vanhu kuenda kuzvipatara vanouraisa vanhu nguva yavo isati yakwana uye hutsinye kutungamirira vanhu uchivaparidzira kuti vasanobatsirwa. Chionai ini nhasi ndiripo, rutendo rwangu rukuru kuKwayedza yakandinyurura kuno kuNorton dambudziko rangu richibva razivikanwa,” vakadaro.

Pakashayirwa mudzimai uyu kumba kwake svondo rino akawanikwa akakutwa nevamwe vake vekuchechi, avo vaipemberera zvichitevera kubatsirwa kwaakaitwa.

Madzimai aya akatenda Kwayedza nekuburitsa pachena kwayakaita dambudziko raMadzimai Mensista.

Madzimai Mensista, avo vanove shirikadzi vachigara nemwana wavo ane makore 12 ekuberekwa, vanoti vakatarisana nematambudziko makuru.

“Ndakabatsirwa dumbu raindiremera rakabviswa asi iye zvino handina chekudya, ndinorarama nekupihwa. Ndinoda zvinhu zvinosanganisa kudya nesipo. Mbatya dzandaipfeka dzasiyana, ndinodawo hembe.

“Mari chaiyo handina, motokari inopota ichindiendesa kuchipatara kuChitungwiza handina,” vakadaro.

Mwanasikana wavo uyo anopinda chikoro vanoti havana mari yekumubhadharira.

“Izvozvi mwana haana mbatya dzekuendesa kuchikoro, nyaya hombe ndinoti dai ndawana munhu anondibatsira kutangisa purojekiti, kana yehuku chaiyo, nezvimwe kuti ndikwanise kurarama nemwana wangu.

“Zvakanaka kupihwa chirauro pane kuramba uchipihwa hove.”

Kune vanoda kubatsira Madzimai Mensista vanogona kuvabata panhamba dzinoti 0773 034 954 kana 0715 266 990.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>