Mapurasitiki, kaylite: Toringepi?

01 Sep, 2017 - 00:09 0 Views

Kwayedza

PANE zvigadzirwa zvashungurudza vanhu, zvigadzirwa zvamazuva ano zvakauya zvichinge zvakanaka, asi zvave kutenderedza misoro yeHurumende dzepasi rese namasangano anoona nezvokuchengetedzwa kwenharaunda.

Pazvakagadzirwa, vanhu vakapembera – zviya zvinonzi munopururudza muchiti mudzimu wauya mumusha, musingazivi kuti ingozi.

Ndizvo zvakafanana nezvigadzirwa zvinosanganisira ma”kaylite”; mapepa ezvikweshe anoshandiswa nevemuzvitoro kurongedzerera vanhu zvitengwa zvavo; mabhodhoro ezvinwiwa epurasitiki; mabhodhoro chaiwo; magaba enyama kana bhinzi dzakagaiwa; ma”pamper” anopfekedzwa vana vacheche kana varwere vanenge vasingakwanisi kufamba kuenda kuchimbuzi.

Zvakawanda!

Kana tichida kuziva kuti zvinhu zvataifunga kuti zvakatinakira zvave dambudziko munharaunda, ngatidzore ndangangariro kumwaka wokunaya uchangopfuura tifunge zvakaonekwa namaziso edu apo mvura yakaita madziva ichitenderera panzvimbo imwe chete, nokuti migero kana madhireni anoifambisa akavharwa kare kare nezvimwe zvezvinhu izvi.

Mukwende anorangarira kuti kwemakore akati kuti, mvura yanaya zvakanyanya, unongoona makaylite, mapurasitiki nezvimwe zvakayangarara pamusoro pemvura – pese pese.

Iye zvino tave muchirimo, unongoona zvinhu izvozvi pese pese.

Hazvipe chiono chakanaka nokuti hazvidi uchenjeri hwokuudzwa kuti iyi itsvina yokuti kunyange ikabviswa ichiendeswa kwainoendeswa, inongoramba iri tsvina.

Ndosaka ndati ingozi yakapinda mumusha takavarairwa, asi nhasi uno hatichaziva kuti tozviita sei nokuti kunyange mapazi eHurumende akafanana nereEnvironmental Management Authority (EMA), vakauya nenyaya dzokuti zvinhu zvakaita semapurasitiki kana makaylite ngazvibhanwe zvachose sezvakamboitika makore mashoma achangopfuura, uyewo mwedzi wadarika vanhu unoona vachichema-chema.

Pakanzi nebazi reEMA makaylite ngaabhanwe, vachipawo zvikonzero zvakasimba zvokuti anobhanirwei, takaona vemabhizinesi anogadzira nokushandisa makaylite vachichema-chema.

Vanhuwo zvavo vakagunun’una vachiti kana vachinge vabhana makaylite, vanoda kuti vapakurirwe zvikafu zvavanotenga mumaoko here?

Ichi ichokwadi nokuti ruzhinji rwavanhu, vave kudya sadza rave kungobikwa pese pese. Vamwewo vari kurarama nechikafu chinotengeswa muzvimakefa zvinodaidzwa kuti ma”fast food restaurants”.

VeEMA vakapedzisira vadzora moyo vakapa mwedzi mitatu, asi mubvunzo mukuru ndewokuti mushure memwedzi mitatu iyi, panenge pagadzirwa zvinhu zvakakodzera here – zvinopa utano hwakanaka, uyewo kuti zvinhu zvinokurumidza kuora, zvoita manyowa, zvisingaiti tsvina munharaunda? Purasitiki kana kaylite hazviori sezvinoita mapepa kana makadhibhokisi.

Asiwo, pane dzimwe nguva, vanhu vanozogunun’una nokuti nguva inopihwa kuti vanhu vatsvage zvimwe zvokutsiva nazvo inenge iri shoma, kunyanya mumazuvano munhu anenge ari mubhizinesi achitsvaga nzira dzokurarama nadzo.

Kunyange zvakadaro, zvakangonaka kuti tese tinzwisise kuti kana vakambogadzira izvi vakamboona sezvakanaka, asi nokufamba kwenguva kwakazove neumboo hwakakwana hwokuti mapurasitiki nemakaylite ingozi yakakura muupenyu hwavanhu nemhuka.

Humwe umboo huriko ndehwokuti zvipfuyo zvedu zvave kufura zvinhu izvozvi, kunge zviri kufura sora. Panovhiiwa mombe kana mbudzi, dzimwe dzacho dzinowanikwa matumbu azere nemapurasitiki kana makaylite. Zvinonziwo mumadhamhu emvura nemumakungwa, hove dziri kudyawo tsvina iyoyi isingagaiike mudumbu.

Zvino kana zvakadaro, isu vanhu tiri kudya chikafu chine utano here? Zvozovei?

Makanzuru anopedza mari kugadzira mapaipi anofambisa tsvina nokuti anenge akavharwa netsvina yezvinhu izvozvi, ukuwo mamwe madzimai achingorasa mapamper avashandisa pavana pese pese.

Saka kana zvataimboti zvakanaka zvave kukonzeresa zvirwere zvimwe zvatisingazivi kuti zvakabva nokupi, tingaita pikerere here kuti ngazvirambe zviripo? Ko ivo vane ungwaru hwokugadzira zvimwe zviri nani vari kushaikwa here?

Nyika yeKenya svondo rino yakatiratidza kuipa kwezvinhu zvakaita semapurasitiki: vari kuabhana, uyewo vari kuti vanotyora mutemo vacharangwa zvakasimbarara. Munhu awanikwa aine mhosva anogona kubhadhara faindi inosvika $40 000 kana kuenda kujeri kwemakore mana.

Chakachenjedza ndechakatanga. Onai mamiriro okunze yangove sandu kuminya, isu vanhu tichida kutsika madziro nokuti tinofunga kuti zvinounza mari tisingazivi kuti zviri kuunza urombo nerufu.

Share This:

Sponsored Links