Uncategorized

Mapurisa akarumbidzwa

20 Mar, 2015 - 00:03 0 Views

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
MAPURISA eZimbabwe Republic Police akarumbidzwa nebasa guru raari kuita rekuchengetedza runyararo kune dzimwe nyika.Vachitaura svondo rapera muHarare apo vaichingamidza mapurisa 30 akadzoka kubva kunochengetedza runyararo kuLesotho uko kwaive nesarudzo pasi pemubatanidzwa weSadc Observer Mission, Commissioner-General Augustine Chihuri vakatenda mapurisa nebasa guru ravari kuita.

Chikwata ichi, icho chinodaidzwa kuti Romeo Troop  chaitungamirirwa naChief Superitendent Cosmas Mushore.

“Africa yakakomberedzwa nematambudziko mazhinji ayo ari kudzikisira zvirongwa zvebudiriro zvekuti pane dzimwe dzenguva mari dzinofanira kunge dzichishandiswa mukusimudzira nyika dzinenge dzave kuendeswa kunyaya dzine chekuita nekuchengetedzwa kwerunyararo.”

Vakati Zimbabwe yakatumira mapurisa kuti vanochengetedza runyararo kuLesotho mushure mekunge yatambira chikumbiro ichi munguva pfupi-pfupi.

Share This:

Sponsored Links