Uncategorized

Mapurisa ari kuferefeta baba vekubhinya vana

30 Mar, 2018 - 00:03 0 Views

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) vanoti vachiri kuferefeta nyaya yemurume wemuHarare ari kupomerwa mhosva yekubata chibharo vavasikana vake vaviri — ane makore 6 neane makore 11 okuberekwa — uyo asati asungwa.

Nyaya yekushungurudzwa kwevana ava – mumwe wacho aiitwa chingochani – yakabuda svondo rapera panhepfenyuro yeStar FM pachirongwa cheTilder Live.

Nyaya iyi inonzi yakamhan’arwa kumapurisa ekuRushinga, kuMashonaland Central ndokuzopfuudzwa kumapurisa eMarlbrough, muHarare, uye ine nhamba dzinoti CR8586/5/17.

Asi murume uyu anonzi haasati asungwa nemhosva iyi kubvira pakamhan’arwa nyaya iyi.

Vakafanobata chigaro chemutauriri wemapurisa muHarare, Assistant Inspector Simon Chazovachii, vanoti vachiri kuronda mafambiro akaita nyaya iyi.

“Regai nditaure nemapurisa ekuMarlbrough acho sezvo nyaya ichiferefetwa kwayakamhan’arirwa, tonzwa kuti yakamira sei,” vanodaro Asst Insp Chazovachii.

Murume ari kupomerwa kubata vanasikana vake chibharo uyu nekuvaita chingochani anonzi ari kuonekwa kuDzivaresekwa uko anogara nepaanotengesera nharembozha kuGulf Complex, muHarare.

Zvinonziwo ari kuvhundutsira mudzimai waakarambana naye achiti anogona kumuuraya.

“Kubva pakabuda nyaya iyi muKwayedza svondo rakapera, handisisina rugare, murume uyu ari kuuya kwandiri achiti anoda kundiuraya zvose nevana ava naamai vangu. Handizive kuti mapurisa vanoti havasi kumuona sei iye achiuya kwandiri uye vaanoshanda navo vanoti vanomuona achiita basa rake rekutengesa mafoni,” vanodaro amai vevanasikana ava.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey