Uncategorized

Mapurisa oendesana kudare

24 Jul, 2014 - 08:07 0 Views

Kwayedza

Yvonne Chipato
MUPURISA akaendeswa kudare nemukadzi wake uyo waanoita basa rimwe chete naye achinzi haasi kuchengeta mwana wake mushure mekunge atiza pamba.
Nomatter Manenji akaendesa Wilfred Manenji kuHarare Civil Court achiti anoda $200 yemendenenzi.“Patakaroorana nekubereka mwana hatina kunge taronga kuti tichatizana asi kuti tichachengeta mwana pamwe chete semhuri nababa ava. Kubva paakanditiza handina kugara upenyu hwakanaka sezvo zvichida kuti tibatsirane kuchengeta mwana,” akadaro.

Mutongi Gamuchirayi Siwardi akati nyaya yevaviri ava idzoke mudare mushure mekunge Nomatter auya neumboo hunoratidza mari inowanikwa naWilfred.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>