Mari: Yakanaka asi inoparira

19 Feb, 2016 - 00:02 0 Views

Kwayedza

MAIFUNGA kuti vanhu chete ndivo vane makuhwa, vamwe vachinongedzana kuti varume vane makuhwa kupinda vakadzi; norumwe rutivi, varume vachifunga kuti vanhukadzi ndivo vanonyanya makuhwa.

Chinzwai munzwe kuti pane mumwe anoita kunge munhu kwaye, asi aine makuhwa kupinda imi mese, munofunga kuti munaro rese ‘dot.com’.

Kana pasvika pamakuhwa, mari inokukundai mese. Hapana anogona kukwikwidzana nemari panyaya dzokutaura makuhwa. Inokwikwidza pakutaura makuhwa, nokuti pairi mari inozvishambadza.

Haina mangwana, nokuti kana yangoti gogoi chete, inofumura zvese, yozviyanika kunge mamera, kuti pano ndirere nemusana. Nyika dzinonzi dzakasimukira kana kubudirira, chinoita kuti dzinzarwo chii? Imari, nokuti vave nayo vachiishandisa zvine ungwaru zvinoita kuti munhu wese afare nokurarama zvakanaka, zvinhu zvese zvinosanduka, wonzwa vanoona vave kuti zvavava zvakabhadhara, vanayo mari irere nemusana. Imari inenge yaita makuhwa anosvika kana kumhiri kwamakungwa.

Munhu anayo mari haanetsi kuona. Anoonekwa nezvaanopfeka, zvaanodya, motokari dzaanofamba nadzo, nzvimbo nemba yaanogara. Mararamiro ake chaiwo, anotaura kuti pano ini mari ndiripo. Vamwe unozoona miviri yave kungofashukira, mbatya dzisisakwane; vave kugara vachienda kunoona vana chiremba nokuti vanenge vave kubatwa nezvimwe zvirwere zvinonzi ndiwo mabasa emari. Mari imwe cheteyo inozovatuma kuti vanosimbisa miviri kugym.

Kana iripo mari, kana kugara pamba chaipo munhu anokutadza. Kwaanenge ari ikoko, kunzvimbo dzamafaro, mari yake inomuitira makuhwa, yodaidzira kuti pano tigere.

Asiwo, mamwe makuhwa emari anopinzisa muna taisireva. Ngatitorei vanhurume somuenzaniso. Yavepo, vamwe inovaswinya-swinya zvokuti kana ange aine musikana mumwe chete, anenge asisaone sezvakakodzera kudiwa nomumwe chete.

Anenge oda kudiwa navazhinji kuti vadye mari. Kana ari akaroora, mukadzi mumwe chete anenge asisakodzeri, asi vakawanda, kuti ibva yanyatsomwaya makuhwa okuti nhingi, mari anayo, sezvatinonzwa mazuvano vamwe vachingonzi, “Kana ari sangana, musadheerere, bhegi (remari) riripo.”

Kana zvikoro zvinofunda vana zvinofumura kuti vana ava vanobva kune mari. Zvikoro zvemhando yapamusoro-soro. Vamwe vana vachidzingirwa mari dzezvikoro, vavo vanenge vachitoendeswa kunodzidza kune dzimwe nyika.

Asi, zvine mubairo! Makuhwa emari anogona kukupinza murufu. Vazhinji vakaenda kumakuva pamusana pemari. Mukupinda-pinda ikoku, vazhinji vanosangana nezvirwere, zvirwere zvisingakatari kuti unayo yakawanda sei, uyewo zvirwere zvisingarapiki, zvinosvika pakuti ipere uchitsvaga kupora. Hapana paisingatauri makuhwa mari nokuti ndiro basa rayo rokuzvizivisa kuti ndiripo kana kuti kwete. Kana pasina, ndipo painokunyeya zvinopisa tsitsi, nokuti kana usina hauna. Unenge uri musvuuganda, uchirarama nokupihwa kana kungopara-para. Zvipfeko, paunogara, chaunodya, zvikoro zvinodzidza vana zvinopupura zvega kuti pano panotamburwa.

Mwaka uno wenzara ndipo painoita manyemwe mari, ichinyatsotaura kuti apa pari kutamburwa, kwete zvokutamba. Izvozvi, vanhu vanosvika mamirioni matatu vakaitirwa makuhwa nayo mari, ikadaidzira kuti kunyange zvazvo raita gore renzara, asi havana chokubata, saka Hurumende navamwe vanazvo, onai zvokuita.

Panoitawo zvakare rimwe guhwa rinoitwa nemari, nokuti chainongogona kutaura chete kuti pana nhingi ndiripo. Asiwo, haina tsindidzo yokuti kana munhu akaiwana nenzira dzisina kururama, inozoramba yakanyarara.

Inotoita makuhwa chete kuti pano tave pano, asi hatizivi kuti takasvika sei, nokuti munhu uyu haana kushanda kuti atiwane, asi ari kudya kunge akatishandira.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>