Mari yeBeam yakapera

29 Aug, 2014 - 09:08 0 Views
Mari yeBeam yakapera VANA vechikoro cheNyabira Primary School nevamwe vanhu vakuru vaidzidziswa mashandisirwo echimudhudhu cheZimbabwe Military Police naSegeant Thompson Gizenga kuHarare Agricultural Show svondo rino nemusi weMuvhuro. - Mufananidzo: William Mafunga

Kwayedza

VANA vechikoro cheNyabira Primary School nevamwe vanhu vakuru vaidzidziswa mashandisirwo  echimudhudhu cheZimbabwe Military Police naSegeant Thompson Gizenga kuHarare Agricultural Show svondo rino nemusi weMuvhuro. - Mufananidzo: William Mafunga

VANA vechikoro cheNyabira Primary School nevamwe vanhu vakuru vaidzidziswa mashandisirwo echimudhudhu cheZimbabwe Military Police naSegeant Thompson Gizenga kuHarare Agricultural Show svondo rino nemusi weMuvhuro. – Mufananidzo: William Mafunga

VANA vechikoro vanosvika 400 000, zvose vepuraimari nesekondari, vangangotadza kuenderera mberi nedzidzo zvichitevera kukundikana kuri kuitwa neHurumende pamwe nemasangano anotsigira fundo kubhadhara mari yefizi pasi pechirongwa chekubatsira vanoshaya, cheBasic Education Assistance Module (Beam) kwematemu maviri adarika.

Hurumende inobatsira vana vangangosvika 65 000 vekusekondari pasi pechirongwa ichi, apowo masangano akazvimirira achibatsira nefizi yevana 300 000 vekupuraimari, vamwe vacho vari vakaremara.

Hurumende haina mari yekubhadharira vana ava ukuwo masangano akazvimirira anoratidza seasiri kuda kubhadhara mari idzi.

Masangano aya akange apa US$10 miriyoni iyo yaikwanisa kubatsira vana vekupuraimari kwetemu mbiri dzekutanga uye Hurumende yaitarisirwa kubhadharira vadzidzi vekusekondari. Hurumende inoda mari inosvika US$25 miriyoni yekubhadhara fizi yevana vari kupuraimari nesekondari. Vakafanobata chigaro chaprincipal director mubazi rinoona nezvevashandi nekubatsirwa kwevanoshaya, VaSydney Mhishi, vanoti US$10 miriyoni yakange yapihwa nemasangano akazvimirira gore rino yakashandiswa ikapera, izvo zvakasiya Hurumende iine chikwereti cheUS$25 miriyoni.

“Temu yekutanga neyechipiri hatina zvikwereti kuzvikoro zvepuraimari nekuti takakwanisa kutsvaga mari kune vamwe vatsigiri vatinoshanda navo,” vakadaro.

“Pari zvino, tinoda US$5 miriyoni yetemu yechitatu yevana vari kupuraimari uye tinovimba kuti Hurumende ichatipa mari iyi.”

VaMhishi vakati Hurumende ine chikwereti cheUS$5 miriyoni chezvikoro zvesekondari chegore rapera uye pamusoro pezvo mari ingangosvika US$15 miriyoni inodiwa kusimudzira dzidzo yesekondari izvo zvinobva zvaita kuti Hurumende ive nechikwereti cheUS$25 miriyoni.

“Tichiri kuedza kubhadhara chikwereti chegore rapera chezvikoro zvesekondari,” vakadaro VaMhishi. “Hatisati tapihwa mari yegore rino uye tinovimba kuti Hurumende ichatipa mari iyi.”

Zvakadaro, bazi iri rinoti vanakomana 35 000 nevanasikana 30 000 vekusekondari vakanyorera kwariri vachida rubatsiro pasi pechirongwa cheBeam gore rino. Pamusoro pezvo, vamwe vanakomana 140 000 nevanasikana 142 000 kubva kuzvikoro zvepuraimari vakanyorerawo vachida rubatsiro.

Beam yaitsigirwa nemari inosvika US$73 miriyoni kuburikidza neHurumende, UNICEF – iyo isisatsigire chirongwa ichi – nesangano reUnited Kingdom’s Department for International Development. Pabhajeti regore rino, Hurumende yakaisa padivi US$15 miriyoni yekubatsira vana vechikoro.

KuUNICEF neDfiD ndiko kwaibva mari yakawanda yeBeam makore maviri adarika uye DfiD ndiyo yakapa US$10 miriyoni yakabatsira vana vari kupuraimari kwetemu mbiri dzekutanga. – The Herald.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey