Uncategorized

Mari yeCDF ngaibatsire munhu wose: Matangira

20 Feb, 2018 - 11:02 0 Views
Mari yeCDF ngaibatsire munhu wose: Matangira Cde Matangira

Kwayedza

Nyaya dzose naDaphne Machiri
VANOMIRIRA Bindura South mudare reNational Assembly, Cde Remigious Matangira, vari kubatana nevatungamiriri vematunhu vanosanganisira madzimambo, masabhuku nemakanzura mukuona kuti mari yekusimudzira budiriro mudunhu ravo, yeConstituency Development Fund (CDF), yashandiswa nemazvo.

Vachitaura pamusangano wevatungamiriri vemudunhu ravo uyo wakaitirwa pamahofisi eBindura Rural District Council, kuBindura, nguva pfupi yadarika, Cde Matangira vanoti mari yeCDF inoda kushandiswa nemazvo uye nenzira inobatsira munhu wose.

“Ini semufudzi wehwai dzake kuno, chasara iye zvino kuendesa magwaro acho kuti mari ichiuya. Mari iyi inofanirwa kubatsira munhu wose, zvisinei nezera kana rudzi. Ichange ichishanda sekutenderana kwatakaita veruzhinji nevanotungamirira mawadhi,” vanodaro Cde Matangira.

Vanoti mari iyi ichashandiswa mumabhindauko anosanganisira kucheresa zvibhorani nekuvaka muzvimwe zvikoro zviri mudunhu iri.

“Mari iyi inopihwa matunhu ose neHurumende. Tange tave nemakore tisiri kuiwana, naizvozvo tinotenda mutungamiri wenyika President Emmerson Mnangagwa nekutiyeuka. Isu seBindura South, tiri kuda kuita zvinogara zvakadaro mukuvandudza nyika pamwe neupenyu hweveruzhinji,” vanodaro Cde Matangira.

Mambo Musana

Vachitaurawo pamusangano uyu, Mambo Musana, VaJoel Nyarumwe, vanotsinhira kuti mari yeCDF inofanira kushandiswa zvakanaka.

“Mari iyi inofanirwa kushandiswa nemazvo zvekuti kana vanofamba vachitarisa vanoona zvinhu zvinoendeka uye zvinobatika, zvinopa pundutso kune veruzhinji.

“Ndinotenda MP wedu VaMatangira. Murume uyu anobatsira munhu wose pasina rusarura mukuvandudzwa kwezvikoro, makiriniki, migwagwa nezvibhorani. Ticharamba takabatana tichiita mushandirapamwe,” vanodaro Mambo Musana.

Vanokurudzira veruzhinji kuti vave nepfungwa dzinosimudzira nharaunda dzavagere neupfumi hwenyika.

“Ndinotenda zvakare Hurumende ine moyo nesu nekutipa mukana wekutiwanisa mari (yeCDF) naizvozvo tinovimbisa kuti tichaita zvinobatsira veruzhinji, zviri pachena uye pasina makakatanwa,” vanodaro Mambo Musana.

Vachitaurawo pagungano iri, chamangwiza wekanzuru yeBindura Rural District Council, Dr Savie Munoriyarwa, vanoti vachaenderera mberi nekushanda pamwe chete nevamwe vatungamiriri vemudunhu iri.

Share This:

Sponsored Links