Mary anoda kufumura Mwenje muKwayedza

04 Nov, 2016 - 00:11 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza

Kereke inofa

kuti Kereke Inofa kunofambirana naMary anovimbisa kuzivisa kereke nezvekusazvibata kwaPastor Mwenje naSarah. Izvi zvinobuda pavanenge vari muchipatara cheWest End, achivaudza kuti vakamupa mukana wekuparidza Svondo yezuva raitevera, mharidzo yake yaizonangana nekusazvibata kwavo.

Anoti aizovareururira nekuti vega havaizvigona.

Pastor Mwenje vanomukumbira ruregerero vachiti vaizomuitira chese chaaida kuti asaite zvinhu zvaizouraya kereke.

Musoro webhuku unozadziswa naMary anovimbisa kuzivisa vemapepanhau nezvekusazvibata kwaPastor Mwenje naSarah.

Izvi zvinojekeswa pavanenge vari kuchipatara cheWest End, paanovaudza kuti aizotanga kufumura nyaya yavo yekupa Sarah mwana kuburikidza nevepepanhau reH-Metro kana reKwayedza.

Pastor Mwenje vanofamba nemabvi vachienda pedyo naMary vachimukumbira kuti asadaro nekuti zvaizovaputsira kereke yavo.

Musoro wemutambo unoti Kereke Inofa unoburitswa pachena naZebra anotsigira kuti kereke ife.

Tinozviona paanomuka pamubhedha muchipatara cheWest End mushure mekunge afenda, anoshevedzera kuna Pastor Mwenje kuti kereke yavo ngaife, kwese kwaive kufa nekuti yakanga yaparadzawo imba yake.

Apa aitsigira Mary aitaura zvekuti aida kuuraya kereke yaPastor Mwenje.

Tinoenderera mberi svondo rinouya.

Zvinyorwa izvi zviri mubhuku rakanzi Ongororo yeNhetembo neMabhuku Shona O-Level.

 

Nhare: 0772 610 360, Email:  [email protected]

 

Share This:

Sponsored Links