Kwayedza
Munyaradzi Gunduza
ZVIKONZERO zvekushandiswa kwemashiripiti munganoMashiripiti kana jandukwa ndechimwe chiitiko chinonyanya kutora nzvimbo muzviitiko zvemungano, saka nguva zhinji vanasarungano vanoshandisa mashiripiti vaine zvinangwa zvakasiyana-siyana. Zvimwe zvinoita kuti vashandise mashiripiti ndezvinotevera:
Kuburitsa zvidzidzo zviri mungano
Kusimbaradza dingindira rerungano
Kanakidza kana kusetsa vateereri verungano
Kuburitsa zvakahwanda zvinenge zviri mungano
Kurodza njere dzevateereri
Kutyisidzira vanhu kuti vagone kuchengetedza muko
Kubatsira vanhu vaMwari kuti vapukunyuke mumatambudziko
Kutaridza masimba enyikadzimu
Kufambisa mashoko zviri nyore
Musiyano wenganotaurwa nenganonyorwa:
Nganotaurwa nenganonyorwa zvinoumba uvaranomwe. Mutauro wavaShona wakapfuma nokuti une zvose nganonyorwa nenganotaurwa, izvo zvinobatsirana kuti mutauro unzwikwe kupfuma kwawo. Imwe siyano pakati pengano dzakanyorwa pasi nengano dzekutaura inosanganisira inotevera:
Ngano yekunyora pasi inorasikirwa neuvizhuvizhu.
Ngano yekunyora hainyatsobudisi kudyidzana kuri pachena pakati pasarungano nevateereri.
Vateereri havana anovadzidzisa maimbirwo enziyo.
Ngano yekunyora inorasikirwa navateereri sezvo muverengi ari iye zvakare muteereri.
Hapana vateereri vanobvumira, “dzepfunde” kuna sarungano.
Vateereri havakwanisi kubvunza mibvunzo sezvo pasina munhu wavanogona kubvunza.
Vateereri havakwanisi kuuchira.
Maumbirwo erungano runobva rwashanduka
Vateereri havakwanisi kuseka sezvinoitwa mungano yekutaura.
Madingindira anobuda mungano:
Mungano munobuda madingindira akasiyana-siyana. Dingindira ndiyo pfungwa huru inobuda mungano naizvozvo munogona kuita madingindira maviri kana kudarika zvichienderana nezvinenge zvichida kubudiswa nasarungano/munyori wacho. Mamwe emadingindira anonyanya kuwanikwa mungano ndeanotevera:
Mushandirapamwe
Undyire
Utsinye
Umbavha
Wanano
Kukosha kwekuchengetedza muko
Tsitsi dzinotsitsirira