Uncategorized

Mashoko avo anorema 1 000kg

09 Mar, 2018 - 00:03 0 Views

Kwayedza

naIgnatius Mabasa
TINOGARA nevamwe vanhu vasina tsitsi, uye vanoita sevasingazive kuti mashoko avo anorema 1 000kgs zvekuti vakakutaudza unosara wakatsitsirirwa kunge wawirwa negomo. Vanhu ivavo vakashama miromo yavo, kana masoja akabata pfuti anotya akatiza.

Eriya akazviitwa izvozvo naJezebheri muBhaibheri.

Eriya akanga abva mukunamata, uye Mwari vakanga vamupindura nemoto pamberi penyika yese, uye mvura yakanga yapedza makore matatu isina kunaya ichibva yanaya.

Asi Eriya akatumirwa shoko naJezebheri rakaita kuti atye zvekuti akatiza akaenda kugwenga kwaakanokumbira kuti afe zvake.

Mashoko anoda kupimwa pachikero. Mashoko anoda kumboravirwa senyama usati wazovhura pombi yemuromo wako.

Vanhu vangani vawakataurira magaramwoyo zvekuti wakavauraya ukavatengera bhokisi, ukachera guva ravo ukavaviga, ukatobatwa maoko iwe uriwe wavauraya, ukatopihwa mari yechema, ukatovarongera nyaradzo?

Muromo kapako kekuhwanda nako, asi mukapako ikako mune nyoka inonzi rurimi.

Bhaibheri rinoti, “Rurimi rune simba rehupenyu nerufu.” Wauraya vangani kusvika pazuva ranhasi?

Ini handizive kuti vamwe vanhu vanenge vachida kuti vamwe vaite sei nezvavanenge vachitaura.

Ndakanzwa mumwe mukadzi aive nemwana wake achiurayiwa nemibvunzo nemumwewo mukadzi.

Mai vaye vakati, “Ko uyu mwana wenyu here nhai asikana?”

Mai vaye vakapindura vachifara vakati, “Ehe, mwana wangu asikana.”

Zvikanzi nemumwe mukadzi uye, “Aaa ndanga ndichitofunga kuti muzukuru wenyu.

Ko sei kuzoita mwana mudiki makura kudaro? Isu vamwe tatove nevazukuru.”

Kana ndiwewo, mhinduro kumubvunzo wakadai inobva kupi?

Kana wakaitirwa nyasha dzekuti uve nevana, usakanganwewo kuti variko kunze uko ana Sara nanaHannah.

Sara mukadzi waAbraham akazokwanisa kuita mwana achembera, zvimwe chete naElizabeth amai vaJohani Mubhabhatidzi. Nyangwe Joseph, aive mwana waJakobho waakazoita achembera.

Vana havasarudze nguva yavanoda kuzvarwa, uye kana munhu achinge apihwa chipo chemwana unodirei kudira mvura pamoto wemufaro wake nemibvunzo ine huchapa sechidhakwa?

Kana neni ndakakurumidza kuchena musoro.

Handina kusarudza kukurumidza kuchena musoro. Ndaisatozvidawo nekuti vamwe vangu pavave kutanga kuchena misoro izvozvi, ini ndakanguri ndatungamira kare.

Saka pakadai ndakaita imwewo hama yakandishungurudza ichibvunza kuti sei ndakanga ndachena musoro ini ndiri mwana mudiki.

Ndakashaya kuti aida kuti ndimuudze kuti kudii.

Pane zvinhu zvinongouya zvega muhupenyu. Zvinhu izvozvo hatizvikumbire kana kuzvitsvaga.

Kusaziva kugara nevamwe ndiko kunozoita kuti tisazive miganhu. Ndine imwe hama yangu ine mwana akaremara. Yakabvunzwawo neimwe hama kuti, “Ko mwana makamuitei kuti azoremara?”

Usati wakunya marokwe ako kuti ukwire mumuti wehasha, usati watemha michero mimbishi inokora segavakava, usati wamanikidza vamwe kumedza mashoko ako anokora semafuta enguruve, zvibvunze kuti mashoko angu akapfeka ruwadzano here kana bhandeji dress.

Jesu anova shoko pachake anoti, “Mumuromo menyu murege kubuda shoko rakawora, asi rakanaka rinounzira nyasha avo vanonzwa.”

Kana motaura, imbomirai mumboisa mashoko enyu pasikero. Kana motaura, siyaiwo pehukama nekuti muchatuka garwe imi musati mayambuka rwizi.

Hamusi mudzimba chete mazara hutsi hwemashoko asina rudo. Kana nemumabasa nemumachechi nemuzvipatara kana nzvimbo dzinoshanda neveruzhinji mune vanhu vanokungurutsa mashoko anenge hondo.

Inga wani imbwa chaiyo nekuchenama kwayo kwese kwainoita inodzidziswa kuti isarume. Newewo zvidzore nekuti hausi imbwa, asi wakasikwa nemufananidzo waMwari.

Usangobatirira hunhu hwekutaura rough sahwindi.

Share This:

Sponsored Links