Mashura zuva kubuda rimwe risati rany’ura?

09 Dec, 2016 - 00:12 0 Views

Kwayedza

MAZVITA haiendi kubhangi, asi zvinongofadza kutendwawo. Ndosaka zvichinzi, tendai muchero uwe. Pese panoitwa nhendo, panofashukira nezvibereko.

Mukwende anotenda zvakapetwa kazana rakazanirana kurudziro inobva kuvaverengi veKwayedza.

Mumwe muverengi anoitwa VaKaroi akati: “Sando kuna Mukwende, kudai waibuda zuva rega rega pamwe vanhu taibatsirika. Maita basa.” (Onai Tiudzei paPeji 4)

Tinokutendai vaverengi nokuti ndimi munotipa mabasa, motipawo pfungwa namazano ezvatinoburitsa, mhedzisiro motipawo zvakare manyemwe.

Ndimi zvakare munoita kuti dzimwe nguva kana tave kutaura, tisadzore tsvimbo kunyange gudo rabata kumeso. Tingarega kufugura hapwa nokuti kwauyei?

Pamwe ndakambozvinyora zvangu, asi gore zvarave kupera kudai, tongohwanda nokuti dzokororo ine simba.

Dzakataura nyanzvi kuti hakuna zuva rinobuda rimwe risati ranyura. Nyangwe tikada zva2017, ngatitangei tapeta 2016!

Muenzi uya anonzi Bond Note wandakataura nezvake svondo rapfuura kuti haaendi zvokumhanya, nhasi mabata chokwadi kuti haaendi. Kubva mamufarira nokumugamuchira zvakadaro! Kana mwenga anosara pasi!

Chichemo chikuru chatave kunzwa chave kumukuru webhanga guru reReserve Bank of Zimbabwe, Dr John Mangudya, kuti maBond Note awanikwe akawanda nokukurumidza, vanhu vasaramba vakangomira mumitsetse yemabhanga, iwo maBond Note ariko.

Vakada kuzviporonga nokupikisa, zvakashaya basa. Nokuti kana vasiri kushandisawo maBond Note, vari kutenga nei, iyo mari yemhiri yanetsa kuwanikwa kudai?

Ungaramba mukadzi kunge ndiwe unomubvisira pfuma? Ungarambawo mukadzi akatakura mwana wako mudumbu, mukadzi akatakura maropafadzo ako!

Mhuri yeZimbabwe, chimbonzwai zvinotaurwa navamwe vanhu vasiri zvizvarwa zvenyika, vanhu vari kuuya vachipfuura, asi ziso ravo rakatarisa kuti iyo nyika yeZimbabwe inyika yakaita sei?

Kubva musi wa9 Mbudzi, muparidzi wevhangeri rechiKristu wokuGhana, Evangelist Dag Heward-Mills, nechikwata chake cheHealing Jesus Campaign, vari kutenderera nenyika yese vachiita mavhuserere mumaguta 14, mumatunhu gumi ose enyika. Pandiri kunyora, vari kuBindura (Mashonaland Central), vabva ikoko vonanga kuMarondera (Mashonaland East).

Vanopedzisira vhuserere ravo kwaMutare. Mamwe maguta avakaenda anosanganisira Harare, Chitungwiza, Masvingo, Zvishavane, Beitbridge, Gwanda, Bulawayo, Victoria Falls, Gweru, Kwekwe neKadoma. Kwese ikoku vaigara mazuva maviri, kana matatu.

Waona nyika yese kudai, nokutaura navanhu vayo, woedzawo kufananidza nezvawakaona kunyika kwako nedzimwe nyika dzawatenderera pasi rese, unotsoropodza kana kurumbidza zvinhu pfungwa dzakagadzikana.

Vakanzwa muvhangeri Dag Heward-Mills pese paaitaura, vainzwa kuti nyaya yokubatana inyaya yaaikoshesa. Chimwewo chaaitaura ndechokuti, zvizvarwa zveZimbabwe zvine dambudziko rokugarogunun’una, asi vachitadza kuona kuti Mwari akavaropfadza nokuvapa nyika yakanaka, nyika ine zvese.

Mubvakure ari kurumbidza nyika yavanhu vanogara vachingodemba chete? Asi akati kuzvipedza kusiya akupai sando dzenyu, munyika menyu! Muri kusara nadzo, modziitisei, iyo sando iri simbi yebasa?

Muenzi akada kuti muzive chokwadi, kwete kusvora nyika noutungamiri somweya wakange wapinda pamaBond Notes.

Zvizvarwa zvokuGhana izvi zvinoti chinoita kuti vanhu veZimbabwe vaone kunge vakasara senhembe pamusana pokuti havasati vambobvakachira dzimwe nyika muno muAfrica. Vanoti ivo, kana atinoti makomba mumigwagwa yedu, tinozvinyarara kana tikaenda kune dzimwe nyika.

Toti pamwe zvizvarwa zveZimbabwe zvazivira kurarama zvapamusoro-soro, ndokusaka vachida zvemhando zvega zvega!

Kana tichifunga kuti Zimbabwe yakasiyana nedzimwe nyika, muenzaniso ndewokutarisa zviri kuitika kuAmerica.

Kubva pakakwikwidza Mai Hillary Clinton naDonald Trump, vari kungokwira vachidzika chete. Kune mamwe matunhu vari pakati pokudzokorora kuverenga mavhoti, nokuti vamwe vane pfungwa yokuti sarudzo dzakabiridzirwa mune dzimwe nzvimbo. Ndiani aiziva kuti muromo wakadaro ungabva muAmerica?

Saka zvimwe ngazviitwe zvichidirwa mvura. Musi weChipiri, mutungamiri wenyika President Mugabe vakatura mashoko avo okupera kwegore. Pasina nguva, vamwe vakange vave kutotsutsumwa kuti vasiirei mamiriro oupfumi nenyaya yemaBond Notes.

Vangataure zvese vakazvipedza here? Ko basa raana mazvikokota nderei? Mukaverenga State of the Nation yese zvinoshaikwa here zvinofungidzirwa kuti hazvimo, kana kuti kungoda kuzivikanwa kuti matsutsumwa, nokuti hamumufariri mutungamiri wacho?

Kana zvakadaro, muchadzidza serimwe sangano rechiKristu reChristain Leaders Zimbabwe Network rakabvuma kuti kunyange zvavo vaida kuti Mai Clinton vakunde musarudzo, asi vanhu vakavhota, Mwari vakaisa zodzo pane wavaida, asingafarirwi noruzhinji.

Ko ini zvondongoramba ndichinyora, ndichikanganwa kuti Kisimisi yatosvika. Kokaiwo vana Mukwende kumafidyongo. Musazvibaye mega!

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey