Masoja onetserana mendenenzi

05 Dec, 2014 - 09:12 0 Views

Kwayedza

Orpah Mukotekwa
GAKAVA rekurera mwana pakati pemurume nemukadzi, avo vose vanoshanda muchiuto, rakazoperera kudare. Yvonne Makoni akamhan’arira Luckmore Mubaira kuHarare Civil Court achida $100 yekuchengeta mwana wavo. Makoni akaudza dare kuti Mubaira akamusiya achitambura nekuchengeta mwana iye achienda kunodya nyika rutivi.

“Tinoshanda basa rimwe chete, tose tiri masoja, saka ndinonyatsoziva kuti mari iyi anoiwana. Imhosva here kuti ndinoshanda? Iye sababa vemwana anofanira kuratidza chido pamwana wake asi anongomirira ini kuti nditambudzike nemwana,” akadaro Makoni.

“Zvose zvaari kutaura kuti ane vamwe vana vashanu ini handiwirirane nazvo. Ndinongoziva vana vaviri chete hameno kuti ava vamwe vatatu vakazobva nekupi. Baba ava vanonyepa kuti vanobatirwa mari yeloan, havasi kungoda kuchengeta mwana wavo,” akadaro Makoni.

Achipawo divi rake, Mubaira akati mari yakataurwa naMakoni yakawandisa sezvo aine chikwereti kubhanga.

“Changamire vangu, mari iri kudiwa iyi handiikwanise. Ndine mhuri, mukadzi nevana vashanu uye ndine loan yandakatora kubhanga yandiri kubhadhara. Dai zvaibvira dare raindibvumidzawo kuti ndibhadhare $50 chete,” akadaro Mubaira.

“Mukadzi uyu kubasa anotambira mari yakawanda kudarika yangu. Iye anosevenza mutuck-shop achitengesa zvinhu zvake imomo saka anotowana mari hobho zvekuti yangu mari inosara pasi nekure. Handione paine chikonzero chekuti ndimupe $100 iye achiwana mari yakawandisa kudaro.”

Mutongi Tafadzwa Muvhami akati Mubaira abhadhare $55 pamwedzi.

Share This:

Sponsored Links