Uncategorized

Masvikiro akaungana kuHurungwe

06 Oct, 2017 - 00:10 0 Views
Masvikiro akaungana kuHurungwe

Kwayedza

Muchaneta Chimuka —
MUTUNGAMIRIRI wesangano reZimbabwe National Practitioners’ Association (ZINPA), Sekuru Friday Chisanyu — avo vanove zvakare sachigaro weTraditional Medical Practitioners’ Council — svondo rapera vakaita mutambo webira kumusha kwavo kwaChundu, Hurungwe wekutenda mashave ari pavari.

Bira iri rakapindwa nevanhu vanosanganisira nhengo dzemasangano maviri avanotungamirira uye rakaona masvikiro ane mashave akasiyana achibudirwa nekupa vanhu nhoroondo yezvavakanga vaoneswa nevadzimu.

Mambo Bz Chundu vanoti mapira akakosha nekuti anoratidza kuremekedzwa kwemadzitateguru uye kuchengetedzwa kwetsika nemagariro echivanhu. Mutevedzeri waSekuru Chisanyu kuZNPA, VaItai Bakasa, vanoti bira remhando iyi rine chinangwa chekutenda mabasa makuru avanenge vaitirwa nemadzitateguru.

“Chinangwa chebira raitwa naSekuru Chisanyu ndechekupembedza mashave nemidzimu pane zvakanaka zvose zvavakaitirwa muraramo yavo. Bira remhando iyi tinoriita gore negore pakati pemwedzi waGunyana naGumiguru. Mumwedzi waMbudzi hamuitwe mapira nekuti mwedzi unoyera, kana kuroora chaiko hakutenderwi,” vanodaro. Mbuya Sinodia Chipisa (55) vemubhuku raMuchiza, vanoti ino ndiyo nguva yekugadzirisa chivanhu nemisha kuti munhu agokwanisa kupinda mugore idzva nemaropafadzo.

“Tinofara zvikuru nekuti taona mhondoro, masvikiro nemidzimu mikuru zvichibuda. Sekuru Chisanyu vakatanga kubudirwa vari Grade 4 mukirasi chaimo paChitindiva Primary, muno muHurungwe uye tinofara nekuti vachiri kuramba vachiremekedza vadzimu vavo,” vanodaro.

Mbuya Agnes Carson, avo vanova nhengo yeTMPC, vanoti midzimu inonzwa manyukunyuku kana ichinge yaitirwa mapira akadai.

“Kuchivanhu tinoita mapira asi vemachechi vanoita mapaseka. Mwedzi wa- Mbudzi hautwe mapira nekuti unoyera,” vanodaro.

Mashoko avo anotsinhirwa naMbuya Hellen Chidamahiya Mushonga vanova nyanzvi yemushonga yechivanhu vachiti zvirongwa zvakadai zvinobatsira varapi kuti vange vachitungamirirwa nemidzimu pakutsvaga mishonga yekurapisa. Mbuya Rosemary Ruzeya (69) vekwaSabhuku Butau, vanoti vanosvikirwa nemhondoro yechirume inonzi Nyazema uye vanoitawo mapira akadai gore roga-roga. “Ndinoitawo mapira akadai gore negore uye ndinobudirwa netateguru vangu mhondoro Nyazema avo vanondibatsira mukurapa vanhu. Vanondizivisa kana paine rushambwa kana chiedza nekundipa kundiso,” vanodaro.

Sekuru Chisanyu — semakore ose apo vanoita bira iri — vakabvutidzana ropa remombe raive mumbiya nemamwe masvikiro vakarinwa nekunanzwa mbiya kusvika yachena.

Mamwe masvikiro akadai seraSekuru Moyo (Brighton Gopo) akayedzerwa akazvambarara pasi akafuga mucheka muchena achirwadziwa nemudzimu uyo wairamba kubuda nekuda kwezvikonzero.

Mudzimai waVaGopo, Prisca Gopo, anoti mudzimu waSekuru Moyo unobuda bedzi kana vachinge varidzirwa mbira nehosho pachinzvimbo chengoma.

“Kana mudzimu wavo uchinge wakundikana kubuda zvakanaka saizvozvi, vanotorwara kwenguva refu. Zvinowanikwa nekuti nzvimbo nenzvimbo dzine maridziro adzinoita ngoma kana mbira,” vanodaro.

Mbuya Joyce Nhamburo, avo vanosvikirwa neshave rejuzu, vakatambawo zvikuru asi mudzimu wavo hauna kubuda nekuda kwekusiyana kwengoma dzairidzwa pabira iri.

“Ini ndinosvikirwa neshavi renjuzu, ndinofara zvikuru kuva pachiitiko chino nekuti ndadzidza chivanhu chakasiyana uye kuti chinoenderana nenzvimbo,” vanodaro.

Munzvimbo yeHurungwe munoitwa mapira akadai seemukwerera kana kuti ekunaisa mvura, euvhimi neekukumbira runyararo kubva kuvadzimu.

Share This:

Sponsored Links