Uncategorized

Matakadya kare haanyaradzi mwana

06 Jul, 2014 - 06:07 0 Views
Matakadya kare haanyaradzi mwana

Kwayedza

kuziva mbuya huudzwaKUTAURA kwavakuru kana vachiedza kuumba hunhu hwomunhu ndekwokushandisa tsumo namadimikira anoita kuti urambe uchibvunza kuti zvinorevei nokuti vave kukura nhasi, chiShona chamandorokwati havachachiziva kana kunzwa zvachinoreva.
Kana washanda zvokushanda zviye, dzimwe nguva poshaya goho nokukurumidza kana kuti roshaikwa zvachose, unonzwa wonyaradzwa uchinzi, “Misi haifanani. Simba mukaka rinosinira”, zvichireva kuti kunyange iwe uchiti, “zvimwe zvinhu zvinopedza power”, ivo nezivo yavo vanozviziva kuti ramangwana racho unotoona wave kushanda zvakare dzimwe nguva kutopinda zvawakaita pawakashaya goho.

Rimwe dimikira riri pamiromo yavakuru mazuvano nderokuti, “Matakadya kare haanyaradzi mwana”, zvichireva kuti haugoni kutora maitiro namafambisirwo aiitwa zvinhu kare woda kuti zvienzane nanhasi.

Uyewo, manyepo kana munhu achipika kuti haazombofa akaita chokuti nokuti misi haifanani.
Zvese izvi zvakauya mundangariro dzangu
svondo rino mumusha mandinogara maita mazuva mana musina mvura pamapombi.

Vamwe vana amai navanasikana vaipika kuti havatakure migoro kana zvigubhu zvemvura pamusuro takavaona vave kuzvitsiga.

Kana vana baba navakomana vanomboti zvokunochera mvura mabasa amadzimai, ndakavaona vachienda kuzvibhorani zvakacherwa kunzvimbo dzakasiyana-siyana, nokutunyage madzimai akaudzwa kuti “simba mukaka rinosinira”, nokuti haringambosinira rokuti vachere mvura yokushandisa kubika, kuwacha, kunwa, kugeza nomuzvimbuzi.

Hongu zvazvo hazvisisina varume kana madzimai panyaya dzokutsvaga mvura, asi chakashungurudza munyori uno ndechokuona midziyo iri kushandiswa kunocheresa mvura. Waiona pamitsetse yezvibhorani pazere mabhodhoro epurasitiki emvura kana kuti zvinwiwa, zvizere tsvina.

Mubvunzo wakave wokuti, saka 2 litres kana 5 litres idzodzi dzinonoshandei nokuti kana kugeza chaiko haikwani?
Chimwewo chandakaona ndechokuti kuchazove rinhi kuti vanhu vakoshese utsanana nokuchengetedza midziyo yavanoshandisa?

Zviri nyore kupopotera Hurumende nekanzuru vanhu vachiti hazvisi kuvapa mvura yakachena, asi panoenda mvura tiri kuonawo midziyo inochereswa mvura izere tsvina. Mimwe yacho inenge ichiratidza kuti yave nenguva isina kugezwa. Nokuwanda kunenge kwakaita vanhu pamatsime, anokupa mukana wokuti umbokwesha mugoro, chigubhu kana bhodhoro rako usati wachera mvura ndiani?

Vanhu vakatakura zvokucheresa zvine tsvina kudaro, unonzwa vachipopota nenyaya yezvirwere zvinokonzereswa nemvura. Ko tsvina iri pazvichereso zvamakabata inopa utano here kana zvirwere?

Kuenda kwemvura, magetsi nokungoshaikwa kwemari vanhu vachiida zvavewo kuda kuti vanhu vaite mishandirapamwe nokuronga kuti ramangwana vorifambisa sei?

Ndipo panoda kuti vana amai nanababa vatange zvemikando, kuitira kuti vaunganidze midziyo yakakosha mumba.
Hatisi kuti itai makirabhu anobviswa mazimari makuru-kuru, asi tiri kuti vanhu vakanzwana, “5 rand” pasvondo inogona kuburitsa zvisvinu zvinoita kuti mhuri dzinzi dziri kurarama upenyu huri nani.

Vamwe vakazviita makore apfuura, vakaendesa vana kuzvikoro nokuvaka dzimba. Mune dzimwe dzimba mune midziyo inobva kumikando iyoyi.

Zvinobvisa chimiro kuona amai kana baba vachipembera norukesheni kutsvaga mvura nechigubhu che5 litres.
Mumakereke munoenda madzimai mazhinji ngavaoneswe kuti kurongeka kunoratidzawo nyika kuti unonamata Mwari akarongeka, Mwari vasiri vezvenhamo-nhamo.

Makenduru, parafini, huni hazvisisiri zvinhu zvinofanirwa kuramba zvichishandiswa mukore uno kwave nezvimwe zviri nani.

Makungano iwaya avanhu vanenge vachitsvaga mvura ndiwo aunonzwa vanhu vachigunun’unira Hurumende zvakanyanya. Inobviswa ichidzorerwa muhurukuro.

Hongu, Hurumende ngaichengete vanhu zvinopa chiyemuro, asiwo vanhu ngavagonewo kubatsirana kuzvichengeta neHurumende.

Hurumende inokurudzira utsanana, asiwo hazvigoni kuti Hurumende igezere vanhu midziyo, kutsvaira mudzimba dzavo nokuita kuti vashambidzike.

Kurambawo vanhu vakapakama moyo yavo kune zvakapfuura kunoita kuti vasafunge zvine budiriro. Ndosaka zvichinzi, “matakadya kare haanyaradzi mwana”.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey