Uncategorized

Matakishopu anotengesa kutya nekusuwa

14 Dec, 2018 - 00:12 0 Views

Kwayedza

naIgnatius Mabasa
MUNGUVA dzino, Hurumende yedu pairi kuyedza kugadzirisa zvinhu zvakasiyana-siyana munyika, kune vari kuvhura matakishopu ekutengesera vanhu kutya, rima, ruvengo, kupesana nekusuwa.

Chinoshamisa ndechekuti vanhu havasi kungotenga chete kubva mumatakishopu aya, asi vari kutoita zvekuhodha kutya nekusuwa kwacho. Vazhinji vedu hatisi kubva paWhatsApp nezvimwe zvinotisuwisa muhupenyu hwedu.

Chii chiri kutipa kugara takatsikitsira paminamato yemashoko emakuhwa pamafoni? Chinokutadzisa kurara chii? Chii chinokushaisa hope semuroyi?

Chinokupeputsa pakati pehusiku wotanga kufunga nezvacho chii?

Ndiri kureva ichocho chinokupa kuti utore foni yako pakati pehusiku utange kutumira vanhu vakarara mameseji. Unozviziva here kuti Jesu anoti uri muranda wechinhu chinokutonga?

Asika, zvinotitonga zvakawanda zvekuti zvimwe zvacho hatitoziva kuti zviri kutitonga nekuti takawira uye tikany’ura mazviri kufanana nechigaba chepamugodhi wakadzika chakadambuka chikawira mumvura iri murima kure kure.

Asi ini ndiri kuti kana uchinge wafunga kuvhura takishopu dzekutengesa rima, kutya, ruvengo, kupesana nekusuwa – ini handisi kasitoma yako. Handirambe kuti tiri munguva dzakaoma, asi ini handina BP yekutenga nayo zvinhu zviri mumatakishopu enyu.

Ini ndiri chiyedza chenyika, handisi muyedzo wenyika. Handidi kuti chiyedza chiri mandiri chitadziswe kuvhenekera nekuti kune vari kufarira kutambudzika kwevanhu. Handishaye hope nekuda kwekuti ndiri kuda kukwana pandisingakwane.

Handidi kubhadhara rent yekutanga ndambochera kunge ndiri kuchera mbeva. Kana ndisina handina, wivhi harisi vhudzi, uyewo gogo ibhutsu inononotsa pakufamba. Tsoka dzakasikwa naMwari, gogo dzakagadzirwa nevanhu.

Ichokwadi shamwari kuti pane nguva dzekusuwisisa dzinombouya dzichigogodza pamusiwo wehupenyu dzichiti udzivhurire. Ichokwadi pane nguva dzekuti mwoyo wako unotsengwa, ugoputanidzwa nekutsokodzerwa nerima zvekuti unonzwa sekuti uri mugomba rakadzikisisa.

Nguva dzakadaro dzinogona kusiya ndangariro nemwoyo zvatonhora kunge nyoka. Zvinosiya cheni dzepfungwa dzakochonoka, uye mweya wako wave kutsvanzvadzira mumimvuri yeGehena.

Ndakambosvikawo pakaoma pekuti mapapu anenge asisakwanise kutura befu, maziso asisagone kuchema. Ndakamborasikira mukati merima remashoko nepfungwa dzevanhu, rima rinowundura mwoyo nekudzima mapapiro emoto zvekuti ndakasara ndisisiri chinhu.

Ndakapinda mukanwa mekutya ndikany’ura mumatope ezvitunha zvakadyiwa nemazino ekutya nekushaya tariro. Ndakagariswa kumarinda eruvengo nehasha nekusuwa. Ndakanga ndafanana naRigiyoni wemuBhaibheri.

Vakanga vandikandira kumawere ekusuwa vakandifuratira.

Vashambadzi verima, ruvengo, hutsinye nekutya vakandisiya vachiseka. Vakaenda kunotsvaga vamwe vekushambadzira ruvengo.

Ndakasara ndiri muchakasara ndichizvibvunza kuti zvino ndiani achandinunura? Kuti pangavewo nemutumwa angandinyaradze agounza mukatikati memwoyo wangu kurongeka nerunako zvakare?

Ndakatanga kukambaira ndichitsvanzvadzira. Ndaitsvaga kuti ndiani achavaka zvakare hupenyu hwangu, agomutsa zvakare aritari yakawa. Ndakanga ndichiti, kana aritari yamutswa, ndigobatidzirwa zvakare moto wayo. Mwenje uvhenekere, kudziyirwa kugovepo.

Ndakazoziva kuti hakuna mumwe kunze kwaiye ane simba, uyo pakutanga akanga ari murima rakati tsvete. Ndiyeka Jehovha akati, “Ngapave nechiyedza.”

Saka shamwari, ndangoti uzive kuti hakuna mumwe kunze kweShoko raMwari. Ndiye Mwari akataura zvinhu zvakanga zvisipo zvikavepo. Ndiye Mwari ane simba rinofambisa nyika munzira dzayo kusvika nhasi uno.

Saka shamwari, ramba kutenga zvinhu mutakishopu yerima, kutya, ruvengo, kupesana nekusuwa.

Usakanganwe kuti husiku hwakazvara chiyedza, uye mukusarongeka nenyonga-nyonga, Mwari akaita zvinhu zvakarongeka. Chiyedza chakabva murima, usawaridzire ruvengo rukukwe.

Share This:

Sponsored Links