Matambudziko

25 Nov, 2016 - 00:11 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi  Gunduza—

3. Tsanangura matambudziko manomwe anowira vatambi vari mumutambo Kereke Inofa. [25]Vatambi vari muna Kereke Inofa vanosangana nedambudziko rekutapurirwa chirwere cheshuramatongo. Izvi zvinobuda kuna Beauty naSusan pavanenge vari muchipatara cheWest End vasiri kuwirirana nezvechikomba chaBeauty chainzi Dance chaakanga atorerwa naSusan. Beauty anoudza Dance pafoni kuti aida kumusungisa nekuti akanga amuzadza chirwere cheshuramatongo. Susan anozoudzwa naBeauty kuti aive azadzwawo chirwere ichi naDance.

Muna Kereke Inofa vatambi vanowirwa nedambudziko rekutukwa. Tinozviona kuna Peter Chimumumu anonyombwa naRose vagere mumba maZebra kuGlen View 7, zuva ratongwa nyaya yaSarah yekupiwa mwana naPastor Mwenje kunze kwemusha. Rose anomubvunza kuti akanga ari ani aida kugadzirisa matare epamba paZebra, achibva anzi zvimumumu zvaitaurawo chii chaaida kuvabatsira panyaya iyi, anobva abudamo atsamwa asina kana nekuzooneka.

Vatambi vanowanikwa mubhuku Kereke Inofa vanosangana nedambudziko rekuparadzirwa dzimba. Izvi zvinoonekwa kuna Mary naZebra pavanoona Sarah mudzimai waZebra apiwa mwana naPastor Mwenje murume waMary vari muchipatara cheWest End muHarare. Zebra anobva abuda pachena kuti akanga asingachadi zvekuramba achigara naSarah saka aifanira kuenda kumba kwaPastor Mwenje vakanga vamupa mwana murudo rwechivande.

Mubhuku iri vatambi vanosangana nedambudziko rekufenda. Tinozviona kuna Zebra paanoenda kuchipatara cheWest End ndokuona Sarah ave nemwana waPastor Mwenje.

Anonzwa kupera simba ndokupedzisira ave kuita seapererwa nemweya wekufema angofizuka nezvaaive aona.

Anotora nguva refu akadaro opiwa mubhedha muchipatara chimwe chete ichi.

Vatambi vari mumutambo uyu vanosangana nedambudziko rekutorerwa chikomba.

Izvi tinozviona kuna Beauty anoshungurudzika zvikuru ari mumupanda wairara vasikana kumba kwaZebra kuGlen View 7, atorerwa chikomba chake, Dance namainini vake, Susan zvinoita kuti vazotanga kurwa.

Mumutambo Kereke Inofa vatambi vanowirwa nedambudziko rekushaya mbereko. Dambudziko iri rinowira Mary akanga achata naPastor Mwenje kwemakore asi kubva ipapo aive asina kumbobvira aita mwana.

Akaedza kumboenda kumaporofita navanachiremba asi hazvina kumubatsira kuti ave nembereko.

Izvi zvinomuchemedza paanofunga kuti zvinenge ndizvo zvakanga zvatuma murume wake, Pastor Mwenje kupa Sarah mwana nekuseri.

Kuurairwa midziyo nekudzimwa-dzimwa kwemagetsi idambudziko rinowira vatambi vanowanikwa muna Kereke Inofa. Izvi zvinoonekwa Sarah naZebra pavanoenda kuMufakose kumba kwasekuru wavo, Joram ndokuwana kusina magetsi.

Vanozonzwa Joram achinyunyuta achiti midziyo yavo inoshandisa magetsi yakanga yapera kufa nekuenda kwemagetsi.

 

Nhare: 0772 610 360

Email: [email protected]

Share This:

Sponsored Links