Matemba manyoro seusavi

16 Jun, 2017 - 00:06 0 Views
Matemba manyoro seusavi

Kwayedza

USAVI hwematemba manyoro hunonaka zvikuru kana huchinge hwabikwa zvemandorokwati uye matemba agara achinzi ndichirera mhuri sezvo asingadhuri sedzimwe mhando dzenyama.

Svondo rino Mai Gibson Jere vekuMabvuku, muHarare, vanotsanangudza mabikirwo ematemba manyoro.

Zvinodiwa:

Pakiti rematemba manyoro, matomatisi, garlic, hanyanisi, godzamuto, munyu nemafuta.

Mabikiro:

Tora matemba woaisa mudhishi rine mvura yakachena.

Siya arimo kusvikira abva chando chose.

Nyurura matemba woaisa mundiro.

Tora pani kana chikari woisa mafuta akaringana, wokanga hanyanisi nematomatisi kuti zviite muto.

Isa godzamuto yemhando yaunoda pamwe chete negarlic.

Kana zvaibva, chikanda matemba wosiya zvichimbokwata kwemaminitsi angaite gumi.

Matemba emhando iyi haadi zvekuramba achingopindurwa nekuti anomvungunjika.

Kana zvaibva, chibura udye nesadza kana nemupunga.

 

. Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude panhamba dzinoti +263 713411281.

Share This:

Sponsored Links