Maticha 2900 odiwa

21 Dec, 2018 - 00:12 0 Views

Kwayedza

Fortunate Gora ari kuCHINHOYI
DUNHU reMashonaland West riri kuda mamwe maticha anosvika 2 938 kuti huwandu hwevadzidzisi hukwanirane nevana.

Vakawanda vevarairidzi vari kudiwa ndeveEarly Childhood Development (ECD).

Vakafanobata chigaro chemukuru wedzidzo kudunhu iri (acting provincial education director), VaGabriel Mhumha, vanoti dambudziko rekushomeka kwematicha rinofanirwa kugadziriswa chimbi-chimbi.

Kune zvimwe zvikoro zviri mudunhu iri, mudzidzisi mumwe chete anonzi ari kufundisa vana vanosvika 70 kana kudarika. VaMhumha vanoti pavarairidzi 2 938 vari kudiwa mudunhu ravo, 1 691 ndeveECD, 750 veGrade 1 kusvika 7 ne497 vekusekondari. “Huwandu hwevadzidzisi vepuraimari mudunhu rino rose hunosvika 9 336 uye vesekondari vanokwana 3 608. Tine maticha 2 609 chete eECD mudunhu rose,” vanodaro.

Mashonaland West ine vana vari kuchikoro vanosvika 509 733 nekudaro kushomeka kwevadzidzisi kunoderedza mhando yefundo inowanikwa nevana ava sezvo maticha achiwandirwa nebasa.

VaMhumha vanoti pane mukana wekuti vamwe vana vanogona kunge vasiri kunyatsowana rubatsiro rwavanoda kubva kuvadzidzisi nekuda kwekuti vanenge vakawandirwa.

“Kushomeka kwematicha kuri kukanganisa zvikuru budiriro yefundo mudunhu redu. Pane vana vakawandisa vanenge vachida kubatsirwa nemurairidzi mumwe chete. Nekuda kweizvozvo, varairidzi vanopedzisira vongoona nezvevana vanogona muchikoro chete, zvichireva kuti avo vanonoka kubata zvavanenge vachidzidziswa vanoshaya anovabatsira,” vanodaro.

Hurumende inokurudzira kuti murairidzi mumwe chete adzidzise vana vanosvika 20 padanho reECD uye 40 kubvira paGrade 1 kusvika 7. Padanho resekondari, ticha anotarisirwa kufundisa vana vari pakati pe25 ne30. Zvisinei, aya handiwo mamiriro ezvinhu muzvikoro zvakawanda zvichitevera kumiswa kwakaitwa neHurumende kupinza vanhu mabasa, kusanganisira varairidzi.

Hurumende yakatora danho iri nechinangwa chekuderedza mari yainoshandisa mukubhadhara vashandi vayo. Mashonaland West Provincial Public Service Commission human resources manager, VaEdmund Maparango, vanotsinhira kuti varairidzi vashoma mudunhu iri.

Vanoti zvimwe zvezvikoro zvisina varairidzi vanoenderana nehuwandu hwevana ndeizvo zvisina kunyoreswa zviri pamutemo, nekudaro hazvikwanise kunyorera kukomisheni yavo zvichikumbira kupihwa maticha.

“Tinonzwisisa mamiriro akaita zvinhu, zvikuru takatarisana nehuwandu hwevarairidzi kana tichienzaniswa nevana vanoda kufundiswa.

“Tiri kukurudzirawo zvikoro zvose zvisina kunyoreswa zviri pamutemo kuti zvinyorese nekuti kana zvikakumbira varairidzi, zvichemo zvavo hazvigamuchirwe,” vanodaro.

Vadzidzi vemudunhu iri vanonzi havazi kunyatsobudirira mubvunzo dzavo uye muna 2016 veGrade 7 neO-Level vakapasa nechikamu chiri pasi pe50 percent.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey