‘Maticha ane chekuita nebudiriro yenyika’

11 May, 2018 - 00:05 0 Views
‘Maticha ane chekuita  nebudiriro yenyika’ Prof Murwira

Kwayedza

Wimbanashe Zhakata ari kwaMUTARE
VARAIRIDZI ndivo mwongo wekubudirira kwezvirongwa zveHurumende nekudaro vanofanira kutora chinzvimbo chikuru mukuona kuti nyika yaenderera mberi, vanodaro gurukota rebazi redzidzo yepamusoro, sainzi nekusimudzirwa kwemichina Professor Amon Murwira.

Vanoti basa raticha nderekuti pave netariro pamwe nekuti vadzidzi vave nekugutsikana kuitira kuti nyika ive neremangwana rakajeka.

Vakataura mashoko aya pamhemberero dzekupedza zvidzidzo kwevadzidzisi 600 vepaMutare Teachers’ College svondo rapera.

“Madzimai nevarume, tiri kufambisa Zimbabwe kuenda mberi. Tiri kuibvisa kubva muhurombo kuenda mubudiriro uye varairidzi vari pamwongo pechirongwa ichi,” vanodaro. Tiri kuendesa Africa mberi uye tinokwanisa chete kuiendesa mberi kana tiri vene vayo. Ndeyedu nekudaro tinofanira kuona zvekuita nayo.  Haupe mumwe munhu basa rekufambisa nyika yako kuenda mberi, unotora chimuti womhanya nacho kuenda mberi uye varairidzi vari pamwongo webudiriro iyi,” vanodaro.

Sen Mutsvangwa

Prof Murwira vanoti kuvandudzwa kweupfumi hwenyika zvinoenderana nevanhu vacho, nekudaro zvakakosha kuti vave vene vechirongwa ichi kuitira kuti pave neremangwana rakajeka.

“Chiono chedu chikuru-kuru ndechekuti tivake remangwana redu rakanaka. Tinoda kuti tivake upenyu hunoshuvirwa nevanhu.

“Mukuita kudaro, tinenge takazvininipisa. Kuzvininipisa kwakakosha nekuti kunoita kuti tisimbire pazvinhu zvinobatsira. Zvinoitawo kuti tidzidze kana takazvininipisa. Nekudaro chikamu chedzidzo chedu chinofanirwa kupa tariro,” vanodaro Prof Murwira.

Vanokurudzira varairidzi kuti vave neidi pakuita basa ravo uyewo nekupa tariro kuvadzidzi.

Zvichakadai, gurukota reHurumende rinomirira Manicaland, Senator Monica Mutsvangwa, vakakorokotedza vadzidzi vakapedza fundo yavo avo vakapihwa zvitupa zvebasa.

University of Zimbabwe Vice Chancellor, Professor Levi Nyagura, vaivepowo pachiitiko ichi.

Prof Nyagura vanokurudzira makoreji kuti anyanyodzidzisa zvidzidzo zvemabasa emawoko.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey