Uncategorized

Maticha batsirai nyika – Murwira

31 Aug, 2018 - 00:08 0 Views
Maticha batsirai nyika – Murwira Prof Murwira

Kwayedza

Sharon Chigeza naEmmah Chinyamutangira

HURUMENDE inoti iri kukurudzira varairidzi vanenge vapedza zvidzidzo zvavo kuti vazvipire mubasa ravo nekushandisa ruzivo rwavanenge vava narwo mukusimudzira budiriro yenyika.

Vachitaura nguva pfupi yadarika pagungano rekupa zvitupa kuvarairidzi vakapedza zvidzidzo paMarymount Teachers College, kwaMutare, gurukota redzidzo yepamusoro, sainzi nekuvandudzwa kweruzivo rwemichina, Professor Amon Murwira, vanoti Zimbabwe inotarisira kumaticha kuti vashande nesimba mukusimudzira nyika.

“Zimbabwe yezviroto zvedu ine runyararo uye isina kurwisana, hurombo nezvirwere zvichidzikiswa kana kupedzwa kuburikidza nedzidzo. Nekudaro, basa rehurairidzi rinofanira kupa tariro kunyika,” vanodaro.

Prof Murwira vanoti makoreji anodzidzisa maticha anofanira kuve nzvimbo dzinopa tariro.

Vanoti fundo yemuno inofanira kuenderana nezvinodiwa mubudiriro yeZimbabwe uye varairidzi nevadzidzi vanosungirwa kushandisa zvinhu zvinowanikwa munyika muno.

“Tinofanira kushandisa zviri munharaunda dzedu mukudzidzisa nekufunda kwedu. Shandisai zvinhu zvinowanikwa munharaunda kuitira kuti vadzidzi vawane ruzivo chairwo pane kushandisa zvisingawanikwe, asi zvekungofungira chete,” vanodaro Prof Murwira.

Vachitaura pagungano rimwe chete iri, Mai Petty Silitshena, avo vanova principal weMarymount Teachers’ College vanoti nyika ino inofanirwa kusimbisisa zvirongwa zvekuita tsvakirudzo kuitira kuti pave neruzivo rwakadzama pamusoro pezvinhu zvakasiyana.

“Tsvakurudzo inosanganisira kuve nechidokwadokwa kuti pave neruzivo rwakadzama zvakaita sevanhu, tsika nemagariro uye kushandiswa kweruzivo urwu mubudiriro yenyika. Senyika, tinofanira kukoshesa tsvakurudzo kuitira kuti pave neruzivo rwutsva,” vanodaro.

Vanoti koreji yavo iri kukoshesa nyaya dzetsvakurudzo uye izvi zvinoonekwa nemagwaro akawanda avakatura pamusangano uchangobva kuitwa weZimbabwe Teacher Education Research Conference uyo wakaitirwa kwaMutare apo koreji yavo yaive nemagwaro 21.

“Pamagwaro aya, pakati pawo paive nemashanu akabva kuvadzidzi vedu. Tinonzwa manyukunyuku pamwe nekudada kuti ndisu koreji yoga yaive nevadzidzi vakataura pamusoro pemagwaro avo etsvakirudzo pamusangano uyu,” vanodaro.

Pazuva iri, vadzidzi 458 vakapihwa zvitupa zvekupedza fundo pakoreji iyi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey