Maticha opinzwa basa

08 Feb, 2019 - 00:02 0 Views
Maticha opinzwa basa Dr Hungwe

Kwayedza

Freeman Razemba
HURUMENDE yakaendesa mazita 1 500 evanhu vanoda kupinda basa rehuticha kuPublic Service Commission (PSC) kuti ange achiongororwa pakati pevaraidzi 3 000 avo vachapinzwa mabasa.

Pane kushomeka kwematicha muzvikoro kunyangwe zvazvo vanosvika 20 000 vakadzidzira basa iri uye vari kutsvaga mabasa. Muchinyorwa nemusi weMuvhuro uno, sachigaro wePSC, Dr Vincent Hungwe, vanotsinhira nyaya yekupinzwa basa kwematicha iyi.

“Kusvika pari zvino, mazita 1 500 akaendeswa kuPublic Service Commission kuti aongororwe. Zvikoro zvichatanga kupihwa varairidzi vatsva ndezvekumaruwa. Zvichakadaro, komishini iri kutarisawo nyaya yematicha 19 993 vakadzidzira basa, vamwe mugore ra2012, asi vasati vawana nzvimbo dzekuticha,” vanodaro.

Gore rapera, Hurumende yakati ichada kupinza basa maticha 3 000 nechinangwa chekugadzirisa dambudziko rekushomeka kwevarairidzi zvichitevera mashoko anoti kune zvimwe zvikoro zvekumaruwa, mudzidzisi mumwe chete anofundisa vana vanosvika 120. Izvi zviri kukanganisa budiriro yedzidzo munyika.

Zvichakadai, mune rimwezve danho rakanangana nedzidzo, Hurumende inoti yakazvipira kusimudzira mashandiro ematicha kuitira kuti vaite basa ravo vakasununguka, izvo zvaita kuti masangano anomirira varairidzi ange achimisa hurongwa hwekuramwa basa uho hwange hwarongwa kutanga nemusi weChipiri svondo rino.

Gurukota redzidzo yepuraimari nesekondari, Professor Paul Mavima, nemusi weMuvhuro uno vakaita hurukuro nemasangano mapfumbamwe anomirira varaidzi ndokuzvipira kuti vachange vachizadzikisa zvavakavimbisa mukusimudzira raramo yematicha.

Zvimwe zviri kudiwa nematicha kuti zvigadziriswe zvinosanganisira kupihwa mari yemaallowance apo vanenge vachinyoresa vana mazamanishoni, kuwaniswa pekugara pakanaka, kupedzwa kwehuwori apo mudzidzisi anenge achida kubva pachikoro paari achienda kune chimwe nekupihwa mvumo yekuzorora pagore (annual leave).

Varairidzi vari kudawo zvakare kuti vana vavo – zvikuru vatatu – vasabhadhare kana vachidzidza muzvikoro zveHurumende. Prof Mavima vanoti Hurumende yakazvipira kuti inge ichizadzikisa zvayakavimbisa maticha nedonzvo rekusimudzira raramo yavo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey