‘Maticha zivai makombiyuta’

15 Jul, 2016 - 00:07 0 Views
‘Maticha zivai makombiyuta’ VaChristopher Kateera

Kwayedza

VaCloud Nyambuya

VaCloud Nyambuya

MUKURU wedzidzo mudunhu reHarare, VaChristopher Chamunorwa Kateera, vanoti vadzidzisi vose vanofanirwa kuve neruzivo rwekushandisa makombiyuta pamwe nedandemutande kuitira kuti vakwanise kufundisawo vana zvinoita kuti vafambirane nenguva.Vakataura mashoko aya svondo rapera pakupihwa mibairo kuvana nezvikoro zvakakunda zvimwe, eWarren Park/Mabelreign District Merits Awards.

“Vana vave kufanira kudzidza zvichienderana nechizvino-zvino zvinosanganisira kushandiswa kwemakombiyuta nedandemutande. Naizvozvo, vadzidzisi vose vanofanira kuva nehunyanzvi hwekushandisa izvi kuitira kuti vafambirane nenguva.

“Budiriro yevana vanhasi nevamangwana iri mukugona kushandisa zviriko mazuva ano zvakaita semakombiyuta nedandemutande,” vanodaro VaKateera.

Vanoti kufambirana nenguva mudzidzo kunoenderana nedonzvo rechirongwa cheHurumende chekuvandudza upfumi hwenyika, cheZim-Asset, icho chinokurudzira kuti vana vange vaine ruzivo rwekushandisa michina inofambisa mashoko yechizvino-zvino.

Vakarumbidza chirongwa cheE-Learning vachiti chinopa mukana kuvadzidzi wekufunda zvakasiyana vachishandisa dandemutande.

“Chirongwa ichi chinoita kuti vana vechikoro pamwe chete nevadzidzisi vakwanise kudzidza nenzira dzinotarisirwa mumakore ano ayo akazara nekuvandudzwa kwekushandiswa kwemakombiyuta nedandemutande.”

VaKateera vanotiwo zvakakosha kuti vana vechikoro pamwe nevadzidzisi varambe vachichengetedza hunhu hwakanaka sezvinotarisirwa mutsika nemagariro evatema.

VaChristopher Kateera

VaChristopher Kateera

Mashoko avo akatsinhirwa naDistrict Education Officer vekuWarren Park/Mabelreign, VaCloud Nyambuya, vachiti dunhu ravo riri kushanda nesimba mukuvandudza kushandiswa kwemakombiyuta nedandemutande.

“Kutaura kuno dunhu rangu rakatoita zvimwe zvirongwa zveICT In-Service kumaticha edu kuti vave nehunyanzvi mukushandisa nekudzidzisa zvidzidzo zvemakombiyuta.

“Chirongwa cheOperational Plan mudistrict muno chakaita hurongwa hwekuti zvikoro zvose zvinge zviine Internet yekuti vana vakwanise kutsvaga ruzivo rwavanoda pazvidzidzo zvavo. Internet iri kubatsira pakuti vana vechikoro, kunze kwerubatsiro rwavanoona kumaticha, vanokwanisa kuwanawo ruzivo rwavo vachizvitsvagira vega,” vanodaro VaNyambuya.

Share This:

Sponsored Links