Vakangosara nebhokisi

21 Dec, 2013 - 01:12 0 Views
Vakangosara nebhokisi

Kwayedza

KUVIGWA kwemutumbi wemumwe murume wechidiki wekwaRusere, kwaShe Mudzimurema, kwaChihota kwakambomiswa nemusi weMugovera wakadarika, gomba reguva rainge racherwa ndokusara rakashama, bhokisi ndokurongedzwa mumba risina chitunha paine fungidziro yekuti

muchakabvu uyu angangodaro akafa zvisina tsarukano.

Kusvika pakunopera kwesvondo rino, vanhu vainge vakangoungana parufu, chitunha chisipo uye bhokisi iri rakatochengeterwa muimba yekurara vachimirira zvichabva kumapurisa.

Pakava nekusawirirana panhamo yaBonella Makovere (22), uyo akafira muchipatara cheMurambinda nemusi weChishanu svondo rapera achinzi airwara nemalaria, inova nyaya iri kurambwa nehama dzake dzichiti maronda adzakaona pamutumbi wake anoita seakarohwa.

Bonella anonzi ange achishanda pamusha pemhuri yekwaMagama uko ange achigara. Anonzi aishandira murume akangozivikanwa nekuti Magama, uyo anonzi mushandi kuZimbabwe Prison and Correctional Services. Asi kusvika pakubuda kwenyaya ino, zvainge zvasati zvazivikanwa chakakonzera rufu rwake zvichitevera makakatanwa avapo aya.

Hama dzemushakabvu dziri kuti Bonella akarohwa vachiti vakaona mavanga apo vainge voda kumugadzira kuti anovigwa, dzichibva dzakwidza nyaya kumapurisa ekuMahusekwa.

Zvinonzi mushakabvu uyu akambopomerwa mhosva yekuba nharembozha ari kuBuhera.

Nguva pfupi yadarika, vekwaMagama vanonzi vakaudza hama dzaBonella kuti muchinda airwara nemalaria ndokumuendesa kuchipatara katatu.

Amai vemushakabvu, Shamiso Ndoro (46), vanoti havasi kugutsikana nemafiro akaita mwana wavo apo vakaona maronda mumuviri wake uyewo nekuzvimba kwaiva kwakaita dzimwe nhengo dzake.

“Babamukuru vakatarisa mutumbi apo vakaona kuti kumusana wake, padundundu, kumativi nedzimwe nhengo dzakange dzakazvimba.

Kumusana kwaiva nemichinjiziri inoita kunge yeshamhu ndokushevedza vakuru vaivapo. Nyaya iyi yakazosvitswa kumapurisa zvakaita kuti kuvigwa kwake kumbomiswa,” vakadaro.

Babamukuru ava, VaPatrick Makovere (59), vakati vakaudzwa kuti mwana wavo akafa nekurwara nemalaria izvo vari kupikisa.

“Ndaona ndisina kugutsikana, ndakazokumbira kuti ndivhurirwe bhokisi ndokupenengura mwana wangu, ndokuwana muviri achingova maronda.

Ndipo patakamisa kuvigwa kwake apo vanhu vakanga vave kuda kuonekana nechitunha.

“Mutumbi wakazotakurwa nemapurisa kuendeswa kuchipatara cheMarondera uchinzi waizodarikidzwa kuchipatara cheParirenyatwa (kuHarare) kunoongororwa nanachiremba,” vakadaro VaMakovere.

Kusvika nemusi weChitatu svondo rino, vemhuri iyi vanoti mutumbi uyu wakanga usati waongororwa zvichinzi kwaishaikwa motokari yekuutakura kubva kuMarondera uchiendeswa kuHarare.

Nemusi weChitatu svondo rino, Kwayedza yakaenda kwaChihota uko yakanowana bhokisi raifanirwa kuvigwa naro mukomana uyu rakangochengetwa mumba yekurara, guva rainge racherwa rakangoshama uye vanhu vakangoungana parufu asi chitunha pasina.

Mai Ndoro vanoti vakangoerekana vave kuridzirwa nhare kuti mwana wavo airwara apo vakaenda ndokunowana ari muchipatara cheMurambinda, asi asisataure.

“Pandakasvika mwana wangu akangogona kuti, ‘amai ndakuzivai asi ndaparara’ akabva anyarara kusvikira azofa nemusi weChishanu kuma5 zuva rodoka.”

Vanoti vashevedzwa kuhurwere uhu, vakaridzirwa nhare naMagama achivaudza kuti mwana wavo akange ati mbuya vake vainge vashaika saka aida kuenda kumusha asi vainge vambomumisa nekuda kwekushaika kwainge kwaita nharembozha pamusha apa.

Asi vanoti zvakazobuda kuti nhare iyi yainge yadonhedzwa mumunda wechibage apo zvaifungirwa kuti yainge yabiwa naBonella.

VaMakovere vanoti chinovashamisa ndechekuti vanhu vaishandirwa nemwana wavo ava vakabva vatenga bhokisi recasket, vasati vataura nehama dzemufi, ndokuhaya motokari kubva kwaMurambinda kusvika nemwana wavo kwaChihota uko aifanirwa kuvigwa nemusi weSvondo wakadarika.

“Hatina zvatati toziva nemafambiro enyaya iyi sezvo pasina mapurisa ati atibvunzurudza. Asi isu tinoda kuti chokwadi chitsvagwe zvizere munyaya iyi,” vakadaro.

Paakataurwa naye panhare, Magama akati haana zvakawanda sezvo nyaya iyi yave kumapurisa.

“Nyaya iyi iri kumapurisa, handina chekutaura nezvazvo, no comment. Nhai zvaita seiko?

“Chimbondimirirai ndiri kudriver ndave kusvika pamapurisa, you can convenienza me,” akadaro Magama.

Vachitaura neKwayedza nemusi weChitatu chino, vamwe babamukuru vemushakabvu, Lucky Mushore (67), vakati: “Pakava nekusawirirana pakati pedu nevaishandirwa naBonella. Ndizvo zvakaita kuti timise kuvigwa kwechitunha.

“Asi takatyisidzirwa nevarume vaikwana 14, avo vakauya vari mumarori maviri vachibva kwaishanda mwana wedu apo vaiti, ‘tiri vashandi veHurumende’. Mutyairi weimwe motokari akatosvika pakutiburitsira banga achiti taifanirwa kutenda kuti vatenga bhokisi nekuhaya motokari kubva kwaMurambinda.”

Nemusi uyu, vanoti vainge vavimbiswa kuti kuongororwa kwechitunha kwaizoitwa nemusi weChina (17 Kubvumbi) kuchipatara cheParirenyatwa.

Mutevedzeri wemutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland East, Assistant Inspector Tendai Mwanza, vakati vaida kutanga vawana zvose munyaya iyi kubva kukamba yekuMahusekwa kuti vanzwe chaizvo zvakaitika.

Share This:

Sponsored Links