MaWarriors ndinzwei: Dumi

18 Sep, 2014 - 18:09 0 Views
MaWarriors ndinzwei: Dumi

Kwayedza

VATAMBI venhabvu nevamwe vemitambo yakasiyana avo vanowaniswa mukana wekupfeka jezi rekutambira nyika rakafanana neremaWarriors vanofanira kuzvikoshesa sezvo ichi chiri chiremerera chikuru kwete kuda kutungamidza mari pamberi.
Mashoko aya akataurwa naDumisani Mpofu uyo anove shasha yakanetsa zvikuru mumutambo wenhabvu kuzvikwata zvinoti CAPS United, Blackpool, Umtata Bush Bucks yekuSouth Africa pamwe nemaWarriors.
Mpofu, ainyanya kuzivikanwa nemazita emadunhurirwa anoti Commando kana kuti Dumi paaiita zvinorova munhabvu.

Anoti panguva yaakatamba mutambo uyu iye pamwe nevamwe vakaita saFrancis Shonhai, John Phiri, Peter Ndlovu naBenjamin Konjera chinhu chavaikoshesa kuzadzikisa mitambo yavo pamwe nekubatsira zvikwata zvavo kuzvihwinisa mikombe.

Commando mumwe wevatambi wemaWarriors vakaenda kumutambo weAFCON kaviri mugore ra2004 kuTunisia nekuEgypt muna 2006.

“Isu makore atakatamba nhabvu zvinhu zvainge zvakaoma, asi zvakaoma kudaro taikoshesa basa ratainge takatarisana naro mberi. Taiti kana kana tichifanirwa kutamba mitambo mina kuti tiende kuAFCON taifamba nebhora mitambo mitatu uye kana taziva kuti tabudirira kuenda kuAFCON ndopataizochema-chema kuti aiwa chitionaiwo muripo wedu basa taita tapedza, asi mazuva ano hakuna zvakadaro.

“Ini ndaiziva kuti kupfeka jezi renyika chaive chiremerera chikuru nekuti nguva yandakatamba ini paive nedzimwe mbangura dzaivhara bhora zvinotyisa asi vapfana vemazuva ano havachaone kukosha kwekutambira nyika yavo,” akadaro Mpofu.

Commando akazvarwa mugore ra1973 muHarare ndokukurira kuGlen Norah.
Anoti mukukura kwake akatanga kutamba nhabvu mugore ra1988 uye akatambira zvikwata zvinoti Clan Transport neAluminium Tigers izvo zvaitambira kumaDivision Two neThree.

Mugore ra1988 akapinda muchikwata cheClan Transport iyo yairairidzwa naNelson Matongorere kwemwedzi mitatu.

Achizobva kuClan Transport, Dumi akaenda kuAluminium Tigers yekuWillowvale mugore ra1989 apo paaiita zvidzidzo zvake zveForm Two kuGlen Norah.

Ari kuAlumunium Tigers, aisevenza pakambani yeAlumunium Metal Industries apo aiwana mari yekuzvibhadharira zvidzidzo zvake zvekuchikoro kusvika mugore ra1991 paakapedza Form 4.

Anoti baba vake ndivo vakamukurudzira kutamba nhabvu uye vakamutsvagira basa kukambani iyi saka akange ave kukwanisa kuzvichengeta pamwe nekuzvibhadharira mari yechikoro.

“Ndichikura, baba vangu ndivo vakandikurudzira kutamba nhabvu nekuti vaigarondiudza kuti zvichazondibatsira muhupenyu hwangu hwamangwana.

“Saka ndakaenda kuClan Transport mugore ra1988 asi handina kugara nguva refu ikoko sezvo ndakabva ndokuenda kuAluminium Tigers uko kwandakatanga kusevenza.

“Pazororo rezvikoro ndainosevenza ndichiunganidza mari ndozvibhadharira fizi yekuchikoro. Taiti kana tapedza basa masikati totanga kutirena. Izvi zvakandibatsira chaizvo muhupenyu hwangu nekuti ndakakura ndichiziva kuti munhu unofanirwa kuzvisevenzera kana uchida kudya rinopisa,” akadaro Commando.

Zvakadaro, nyenyedzi yakazotanga kupenya muhupenyu hwaCommando mugore ra1992 apo pakaumbwa  chikwata chevatambi kubva kuDivision two nethree kuti chizotambe necheDivision One.

Chikwata ichi (cheselect) chairairidzwa naSteve Kwashi uye pakapera mutambo uyu pakazoumbwa chimwe chikwata zvekare chaive nevatambi vakasangana kubva kuDivision One kusvika kuthree icho chaizonotamba neselect yemuPremier Soccer League.

Commando anoti mitambo iyi yainge yakakosha zvikuru kuvatambi nekuti ndiyo yakamubatsira kuti azoonekwe nezvikwata zvemuPSL.

“Mitambo yemaselect yakandibatsira zvakanyanya nekuti apa ndipo tarenda rangu parakaonekwa nezvikwata zvemuPSL izvo zvakauya zvichimhanyidzana zvichida kundisaina.

“Izvezvi handifunge kuti ichiriko mitambo iyi, ndofunga yakapedzisira kutambwa kare.
“Kwashi panguva iyi airairidza Air Zimbabwe Jets FC akandidedza kuti ndiuye kuzoitambira akatyamadzwa nematambiro andakaita,” akadaro Commando.

Anoti panguva iyi akazosarudza kutambira Rufaro Rovers iyo yaive muPSL kubva 1993 kusvika 1994 uye pazuva rekupedzisira  religi Wieslaw Grabowski akakurudzira Mpofu kuti auye kuzotambira chikwata chake cheDarren T.
Zvisinei rombo rakaipa rakabva rauya kuMpofu sezvo Darren T yakabva yabhanwa muPSL ndokubvisirwa zvibodzwa zvese mushure mekunge yatambisa mumwe mutambi aive asina kunyoreswa zviri pamutemo. Anoti akaramba achitirena neDarren T kusvika azotumirwa kuBelgium pamwe nePoland naGrabowski kunoedza mhanza yake kuzvikwata zvekunyika idzi.

“KuBelgium, ndakatanga nekutambira chimwe chikwata pamatrials vakandifarira asi Grabowski akaramba kuti chindisaine nekuti mari yavaida kundibhadhara yaive shoma.

“Takabva ndokuenda Poland uko kwandakanorova matrials zvekare ndikabudirira, asi ini ndini ndakazoramba kusaina nekuti ndakanga ndichiri mwana mudiki uye ndakange ndave kutotanga kusuwa kumba kare pamwe nevabereki vangu saka ndakadzoka kumusha.

“Ndichidzoka kumusha, ndakabva ndadzokera kunosenza kuAluminium nekuti varungu vepo ndisati ndaenda kuEurope vakanga vandiudza kuti basa rangu riripo havamboripe mumwe munhu saka zvakanobudirira kana kuramba kuEurope ndisatye nekuti basa ndagara ndaive naro,” akadaro Mpofu.

Shasha iyi yakasvikotengwa neBlackpool iyo yaakatambira kwemakore maviri izvo zvakazotuma CAPS United kuti imutore zvakare.

Kepe-kepe haina kusaina Mpofu zviri nyore nekuti Dynamos FC panguva iyi yaitofemera mugotsi mayo ichida kumutenga asi iye akazosarudza kuenda kuGreen Machine  mushure mekuita hurukuro dzakasimba naFreddy Mukwesha pamwe naShepard Bwanya.

Kubvira gore ra1996 kusvika 2000 Mpofu aivhara bhora zvinonwisa mvura kuCAPS United uye panguva iyi ndipo paakange ave kunyanya kutambira maWarriors.

Kubva kwaakaita kuCAPS United mugore ra2000 akabva aenda kuSouth Africa uko kwaakanotengwa neUmtata Bush Bucks uye ndipo paakabva asiya basa kukambani yeAluminium Metal Industries uko kwaakatanga kusevenza ari Form 1.

KuUmtata akanosanganiswa naWilfired Mugeyi ‘Silver Fox’ uyo akange ave nemakore achitambira chikwata ichi.
“Ndakambochovha ndiri kuKepe-kepe uye panguva iyi ndakange ndave kutambira muchikwata chenyika kakanyanya.

“Gore ra2000 ndipo pandakabva kuKepe-kepe pandakatengwa neUmtata Bush Bucks yekuSouth Africa uko kwandakatambira kwemakore akawanda kusvika ndazosendeka shangu dzangu apo pandakange ndakuvara,” anodaro Mpofu.

Mpofu mumwe wevatambi vakamirira Zimbabwe muchikwata cheUnder-23 icho chakatamba pamitambo yemaAll Africa Games yakatambirwa muno mugore ra1995.

Chikwata ichi chakatamba nhabvu yakadadisa asi hachina hacho kuzohwina mutambo uyu sezvo chakazokundirwa mufainari neEgypt 1-2.

“Zvinhu zvinongosimudzira kana ukatambira nyika yako, ini ndakatanga kutambira nyika kubva kuvadiki kuUnder-23 chaiko.

“Mutambo wangu wekutanga kuchikwata chevakuru handichazive hangu kuti raive gore ripi asi chandinoziva ndechekuti takatamba neSudan kuSudan tikahwina 3-0 uye apa ndipo pandakapihwa zita rekuti Commando naCharles Mabika.

“Handizive kuti zvakabvepi asi ndakangoriyemura sezvariri,” akadaro Mpofu.
Anoti vatambi vaakambosangana navo vaimushayisa hope vanosanganisira Vitalis Takawira, Tauya Murehwa uye Peter naAdam Ndlovu.

Kunyangwe hake achiti nguva yaakatamba nhabvu yaisabhadhara sezvayave kuita parizvino, Mpofu anoti akakwanisa kutengawo imba yake kuGlen View 7 uko kunove kwaari kugara nemudzimai wake pamwe nevana vake vatatu.

Anotiwo zvakare akakwanisa kuendesa vanin’ina vake pamwe nehanzvadzi dzake kuchikoro uye mazuva aaigara kuSouth Africa akatanga bhizimisi rekutenga achitengesa motokari.

“Chinodiwa kurongeka muhupenyu hwako chete, ini ndakatanga bhizimisi rekutenga ndichitengesa motokari. Ndaive nabhururu wangu aigara muno wandaitumidzira motokari dzangu achidzitengesa uye pandakazosiya nhabvu ndakaenderera mberi nekutenga ndichitengesa motokari.

“Hupenyu hwemazuva ano hunotoda kusevenza kuti uwane kurarama,” akadaro Mpofu.
Anoti anoda kupinda mune zvekuona pamusoro pekufambiswa kwenhabvu (football management).
“Varairidzi venhabvu vakawandisa parizvino ini handidi kufamba munzira iyoyo, ndinoda kuita zvefootball management.

“Asi pandinenge ndashevedzwa kuti ndibatsire ndinouya ndobatsira hangu, ndotofara kubatsira ndichipa ruzivo rwangu kune vatambi vechidiki variko mazuva ano,” akadaro Mpofu.

Pavana vake anoti haasi kuzovamanikidza kuti vatambe nhabvu asi achangovasiya kuti vazvisarudzire zvavanoda muhupenyu hwavo.

“Ini vana zvavanoda ndivo vanozviziva uye handimbofe ndakavamanikidza kufarira nhabvu.
“Pamwe vanogona vane zvavanodawo zvakasiyana nezvandinoda ini saka ini sababa ndichangovatsigiri mune zvavanenge vazvisarudzira muhupenyu hwavo.

“Asi pachokwadi ndingafare hangu vakatamba nhabvu nekuti mazuva ano yave kubhadhara zvakanyanya,” akadaro Mpofu.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>