Mayunifomu:Zvitoro zvoita mitengo miviri

06 Jan, 2017 - 00:01 0 Views
Mayunifomu:Zvitoro zvoita mitengo miviri

Kwayedza

IBESANWA muguta reHarare svondo rino apo vabereki vari kutenga zvinhu zvakasiyana zvevana vechikoro segadziriro yekuvhurwa kwetemu yekutanga musi wa10 Ndira.

Kunyangwe zvazvo vamwe vari kugunun’una nekusiyana kwemitengo pakati pevatengi vari kushandisa musvo wemari neavo vari kushandisa makadhi ekubhanga, gadziriro dziri kufambira mberi zvikoro zvisati zvavhurwa.

Kwayedza yakaita ongororo muguta iri ndokuona vabereki vari mushishi kutengera vana vavo zvakasiyana semayunifomu, matirangi, mabhuku nechikafu.

Zvisinei, vabereki vane chitsama vaichema-chema nekudhura kuri kuita zvimwe zvezvinodiwa kuchikoro, zvikuru paku

tenga munhu achishandisa makadhi ekubhanga (Point of Sale Machines).

Ongororo yeKwayedza inoratidza kuti muzvitoro zvakawanda, chinhu chimwe chete chine mitengo miviri — kana munhu achitenga nemusvo wemari chinenge chakaderera asi kana achishandisa kadhi rekubhanga kana dzimwe nzira dzeplastic money mutengo wacho unenge wakati kwirei.

Mutengo uyu unogona kutosiyana nemari inodarika US$5 kana munhu achitenga achishandisa kadhi rekubhanga.

Mai Sandra Makovere, avo vaitengera mwana wavo yunifomu mune chimwe chitoro vanoti: “Tinofara nekuti mitengo haina kunyanya kukwira zvekuti tiri kukwanisa kutengera vana mayunifomu pasina kuomerwa. Tinofara zvakare kuti pane mikana yekutenga nemari yemusvo kana makadhi ekubanga izvo zvinoita kuti vatengi vave nesarudzo.

“Mwana wangu anonzi Alicia Bwoni (9) uye ari kunoita Grade 3 paMarimba Primary School, kuMufakose.”

Mumwe mudzimai aitengera mwana wake yunifomu anonzi Nokutenda Muyanga (12), uyo ari kunoita Grade 7 paLouis Mountbatten School, muHarare, anogunun’una nemutengo wemayunifomu.

“Tiri kumutengera yunifomu kuti aende kuchikoro akachena asi mayunifomu acho ari kudhura. Yunifomu iyoyi iri kuita US$27 uye mutengo wacho uri kusiyana zvichienderana nekuti uri kutenga nemari yemusvo here kana kuti kadhi rekubhanga.

“Asi hapana zvekuzviita nekuti ndiyo nguva yacho, saka zvitoro zvizhinji zviri kukwidza mitengo,” vanodaro.

VaFredrick Madzivanyika nemudzimai wavo, Mai Judith Madzivanyika, vanotiwo vanofara kutengera dangwe ravo mbatya dzechikoro.

“Tinongonzwa kufara nekuti chiitiko ichi ndechekutanga muupenyu hwedu, ndiko kusaka tauya tose mudhorobha kuti tizomutengera yunifomu yakanaka. Dangwe redu, Ashely Madzivanyika (5), achange achinoita Zero Grade paGlen View 7 Primary School.

“Iyewo ari kufarira yunifomu yake nekuti zvitsva kwaari. Aisimboona vamwe vakadzipfeka saka nhasi ndezvakewo,” vanodaro VaMadzivanyika vachiratidza kufara.

Asi VaEvans Mangwiro vanove director of operations kuchitoro cheEnbee Stores – iyo inotengesa zvinhu zvechikoro zvinosanganisira mayunifomu – vanoti pane kamusiyano kadiki-diki pakati pevatengi vanoshandisa makadhi neavo vanoshandisa mari iri musvo.

“Zvakangofanana nekuti kana munhu achitenga neEcoCash anogona kubvisa US$0,90c pamudziyo waari kutenga pachinzvimbo cheUS$0,85c saka hapana kana mari huru yatiri kuchaja vabereki.  “Tine zvirongwa zvekusimudzira vatengi vedu mwaka uno, zvikuru avo vanotenga nemari inenge iri musvo nekuti takaona kuti vatengi vazhinji vari kushandisa makadhi ekubhanga.

“Tiri kufara nemafambiro ari kuita bhizimusi zvisinei nekuti harisati zvaro ranyatsokwirira kana tichienzanisa nemazuva ayo mari yakange isati yave kunetsa,” vanodaro.

Vanoti dambudziko revatengesi vepanze richiri kuvanetsa uye izvi zviri kudzorera bhizimisi ravo kumashure.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>