Mayunivhesiti oyambirwa

01 Jun, 2018 - 00:06 0 Views
Mayunivhesiti oyambirwa Prof Murwira

Kwayedza

Abigail Mawonde
HURUMENDE iri kuyambira makoreji nemayunivhesiti kuti atevedzere zvayakataura pamusoro pekuti zvikoro zvepamusoro izvi zvidzikise mari yefizi inobhadharwa nevadzidzi panguva iyo vanenge vachidzidzira mabasa mumakambani (attachment) uye vose vari kupikisa danho iri vachatorerwa matanho akakodzera.

Kune mamwe makoreji evarairidzi anonzi ari kuramba kutevedzera zvakataurwa neHurumende zvekuti adzikise mari yefizi iyi.
Gurukota rredzidzo yepamusoro, sainzi nekuvandudzwa kwemichina, Professor Amon Murwira, vanoti makoreji nemayunivhesiti anofanira kutevedzera zvakataurwa neHurumende.

“Ndakasangana nemaVice Chancellors ose masvondo matatu adarika uye takawirirana kuti izvi zvinofanira kunge zvichiitwa. Hazvikwanise kunge zvichipikiswa kana iri yunivhesiti kana koreji iri pasi peHurumende.

“Chatisingaite chete ndechekupindira munyaya yefizi inotarwa nemakoreji akazvimirira,” vanodaro Prof Murwira.
Danho rakatorwa neHurumende iri rekudzikisa mari dzinobhadharwa panguva iyo vadzidzi vanenge vari pamaattachment rinotevera kugunun’una kwagara kuchiitwa nevabereki pamwe nevadzidzi.

Mayunivhesiti nemakoreji aibhadharisa vadzidzi vanenge vari pamaattachment mari yakafanana neiyo yavanobvisisa vari pachikoro.

“Zvikoro zvepamusoro zvisingatevedzere zvakataurwa neHurumende zvichatorerwa matanho akakodzera,” vanodaro Prof Murwira.

Hurumende yakadzikisa mari yefizi iyi muna Kurume gore rino senzira yekurerutsira vadzidzi avo vari kunetseka kuti vawane mari yefundo zvichitevera kuoma kwenyaya dzeupfumi munyika.

Vadzidzi vekumayunivhesiti vanoenda kumaattachment kwegore rose uye vakawanda vavo hapana mari yavanopihwa apo vanenge vachidzidzira mabasa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey