Mayunivhesiti vandudzai dzidzo yenyu: Murwira

09 Feb, 2018 - 00:02 0 Views
Mayunivhesiti vandudzai dzidzo yenyu: Murwira Prof Murwira

Kwayedza

Rumbidzayi Zinyuke
MAYUNIVHESITI ari kukurudzirwa kuvandudza zvidzidzo zvawo (curriculum) nguva nenguva kuitira kuti fundo yaanopa ifambirane nenguva uye panguva imwe chete achibura vadzidzi vanobatsira mubudiriro yenyika.

Vachitaura apo vaimema Manicaland State University of Applied Sciences (MSUAS) kwaMutare svondo rapera, gurukota redzidzidzo yepamusoro, sainzi nekuvandudzwa kwemichina, Professor Amon Murwira, vanoti mamwe mayunivhesiti arasika gwara redzidzo raanosungirwa kunge achitevedza.

“Apo patinenge tichivandudza curriculum yedu, tinofanirwa kutarisa zviri mberi,” vanodaro.

“Tinofanirwa kuona kuti curriculum yatiri kushandisa iri kufambirana nenguva here kana kuti inoda kuvandudzwa apo neapo,” vanodaro. Prof Murwira vanoti Hurumende yakapa mayunivhesiti nemakoreji masimba ekuti atore matanho ekuvandudza dzidzo yaanopa.

Vanovimbisa kuti Hurumende haizi kuzopindira munyaya dzekufambiswa kwebasa neboka rinoona nezvedzidzo yepamusoro reSenate.

“Senate ndiyo inoona kuti madhigirii ari kuitwa ndeemhando inotarisirwa here. Hatingati dhigirii iri raitora makore matatu kuti riitwe, saka ngarirambe rakadaro. Kana mune chokwadi kuti dhigirii iroro rave kuda kuitwa kwemakore mana mushure mekuvandudzwa, ngazviitwe sekudaro. Senate yenyu ndiyo inoona mashandiro enyu uye munoita zvamunoda zvinosimudzira dzidzo,” vanodaro.

Vanokurudzira MSUAS kuti irambe ichipa zvidzidzo zveApplied Sciences sedonzvo rayo uye kuona kuti dzidzo yacho iri kufambirana nenguva.

“Tinogarozvibvunza apo tinenge tichironga curriculum yedu kuti chii chatinoda kuwana pekupedzisira? Kwamuri (MSUAS) zvicherwa (minerals), kuchengetedzwa kwemasango (forestry) nezvimwe zvinoenderana neSainzi.

“Handidi kuti MSUAS iite seisina gwara. Zvirongwa zvamunofanira kudzidzisa pano iApplied Sciences. Zvidzidzo izvi zvinokwanisa kuitwa nezvimwe zvidiki zvinenge zvichizvitsigira.

“Asi mumakore 20 anotevera, kana pasina gwara rinenge richiteverwa, unogona kunzwa kuti zvidzidzo zvikuru zvinenge zvave kuitwa pano madetembo nemadhirama. Izvi zvinoreva kuti tinenge tisina chiono chemberi kwatinenge tichienda,” vanodaro Prof Murwira.

Vanoti Hurumende haiwirirane nepfungwa yekuti makoreji evarairidzi, polytechnics nemamwe makoreji anodzidziswa mabasa emawoko zvose zvinofanira kuvandudzwa kuitwa mayunivhesiti.

Vanoti chikoro chimwe nechimwe chedzidzo yepamusoro ngachirambe chiri zvachiri kuitira kuti chibure vadzidzi vanokwanisa kufambirana nenguva.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>