Mayweather oyambira Nurmagomedov

31 Aug, 2018 - 00:08 0 Views
Mayweather oyambira Nurmagomedov Floyd Mayweather (kuruboshwe) aina Conor McGregor

Kwayedza

FLOYD Mayweather oyambira Khabib Nurmagomedov apo akatarisana nemutambo wake naConor McGregor weUFC 229.

Chizvarwa chekuRussia ichi chicharwa kuchengetedza bhande rake relightweight kubva kuna McGregor muIrish uyo ari kudzoka mumutambo uyu, mumutambo uchatambirwa kuT-Mobile Arena kuLas Vegas musi waGumiguru 6.

Mayweather – uyo akakunda McGregor mumutambo wakaburitsa mari zhinji wetsiva gore radarika – anoyambira Nurmagomedov uyo asati ambokundwa mumutambo weMMA kuti munhu waacharwa naye haana waanotya.

“Conor haadzokere shure uye haambotye kana munhu zvachose, kuhwina kana kukundwa kana kuita mangange,” Mayweather akaudza mutori wenhau weTMZ Adam Glynn kuHard Rock Hotel and Casino kuAtlantic City svondo rino.

“Conor ari kuzorwa mutambo uyu.

“Handingakwanise kutaura kuti achahwina ndiani nekuti munhu ari kusangana naConor McGregor handisati ndambomuona hangu achirwa, asi kubva pane zvandakanzwa pamusoro pake, mutambi anorwa zveshuwa uye anogona kuparadza munhu, chipo chiripo.

“Asi, vatsigiri vanoda kukuona uchisimuka uchirwa. Ndizvo vatambi vanoda kuona chete.

“Conor McGregor, mutambi anonetsa kurwa naye nekuti mutambi wepamusoro.

“Sekutaura kwandamboita kare, Conor McGregor haasi kuzotya kupinda mumutambo uyu, haatye,                         murwi chaiye.” – SportsMail MMA

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>