Uncategorized

Mazamu pachena asi mabvutirwa hembe?

22 Jun, 2018 - 00:06 0 Views

Kwayedza

HANDIDI kurambira munyika yakare, nekuti ndingazosara ndega vamwe vese vapera kuenda nenyika yeWi-fi, Sci-fi, Artificial Intelligence, Profile Pictures, Selfies nemaStatus.

Handidi kusara ndichikuya neguyo nehuyo, kusara ndichinetseka nezvehukama iyo Facebook neWhatsApp zvichindiisa mumaGroup ane vanhu vakawanda, vanonakidza, vandisingazive mazita avo, zviso zvavo, mitupo yavo kana zvavanodya.

Chokwadi ndingasaririre ndichipepeta nekuzungura rukweza murusero ivo vamwe vave kuenda kuzvigayo nekutenga super-refined hupfu?

Asi kumhanya kwenyika yemagetsi kuri kundijungulutsa mwoyo wangu zvekuti pandicharutsa, ndicharutsa zvese zvinorutswa, pamwechete nerurimi, mazino nepfungwa.

Handidi kumhanyisana nenguva, nekuti handidi kuti ndingoti zvese zvauya zvakanaka. Mazuva ano muchirungu zvinhu zvinofadza uye zvakanakisisa zvave kunzi “zvave kusemesa.” Saka kureva kuti nyangwe nenhunzi dzichange dzave kunzi nyuchi, zvinonhuhwa zvichinzi perfume.

Ndakarohwa nehana kunge munhu aona nyoka yakaungana patebhuru pane ndiro dzesadza raari kuda kudya. Chakandirovesa nehana ndechekuti ndakangoerekana ndaona vamwe amai vakanga vane mwana wavo muSupermaket.

Hapana chinoshamisa pakuona amai vari kufamba nemwana wavo. Asi chakandirovesa nehana ndechekuti mukadzi uyu akanga akavhura ovhoni, mabhanzi ese ari pachena.

Chipfuva chake chakanga chiri panze. Mazamu ake akanga akadongorera panze kunge pombi dzepeturu dziri kudira mafuta mumota. Chakandirovesa nehana ndechekuti zvakanga zvapfurikidza miganhu.

Ndakarohwa nehana kuti kuchenama kudaro kuchiri kuchena here? Ndakakurumidza kufamba ndichibva paari. Ndakanzwa kusasununguka nekusununguka kwemukadzi uyu.

Fashoni haina kuipa, asi kushandisa fashoni kutaura nevanhu vasiri kuda kutaura newe kwakaipa. Fashoni yevakadzi zhinji inouya nemafirimu nemamagazini anenge achitengesa manyepo ekuti kana ukaregedzera kanyama unenge wauraya.

Asi kwatiri varume tinoita mibvunzo? Dzakakwana here? Kutsvaga kuonekwa here?

Imwe fashoni inochipisa!

Vanotengesa fashoni vachishandisa miviri yevanhukadzi vanoti pfungwa dzedu dzinofunga zvinhu zvitatu – kudya, kutya nebonde. Vanoti kana uchida kuti vanhu vatorwe mwoyo, unongovanyebudza zvishoma nyama inofanira kunge yakavanzwa.

Zvino nekungobatirawo zvinhu pamusoro, vamwe vakadzi vedu vave kutovhura mabhucha.

Ndakanzi nemumwe munhu, “Mabasa, unonyanya kuda zvinhu zvisina kumonyoroka.” Ehe ichokwadi ichocho. Ukaona uchifarira zvinhu zvakamonyoroka, uchamonererwa nenyoka chete rimwe zuva.

Chandinoziva ndechekuti kana ukasarohwa nehana nekuda kwezvakaipa, newewo unenge wapfeka yunifomu yaSatani.

Nekuti ndizvo zvakaita kuti Martin Luther King azoti, “Hupenyu hwedu hunotanga kuguma musi watinonyarara ipo paine zvinhu zvakaipa zviri kuitika.”

Handisi mupurisa wefashoni, uye handina simba rekurambidza vanhu kupfeka zvavanoda, asi chandinoziva ndechekuti munhu wese akasikwa naMwari ane mweya wenyadzi nekuzvidzora. Asi kana tichinge tafurirwa neFast life kuti zvakaipa zvakanaka, ngatizivei kuti hatisi kuzviuraya, asi tiri kuuraya nyika. Tiri kuuraya nyika kana vakadzi vanofanira kunzi amai vasisina hana dzinorova.

Vabereki tiri zvikoro zvinodzidzwa nevana vedu. Vana vedu vanotitarisa vachida kuona kuti tiri kuitei, kuti naivo vagoitawo zvatinoita.

Kuna Mapisarema kwakanyorwa kuchinzi: “Akaropafadzwa munhu asingafambi panorangana vakaipa, asingamiri panzira yavatadzi, asingagari pachigaro chavadadi.”

Chandinoziva ndechekuti hembe hadziwire pamunhu. Saka kana hembe dzisingawire pamunhu, zvinoreva kuti vanhu vatinoona vakapfeka hembe dzavo, vanenge vatosarudza zvavari kuda kupfeka. Vanenge vatombopedza nguva vachizviyemura nekuda kwehembe dzavanenge vasarudza.

Saka kubuda mumba nemazamu ari pachena hazvireve kuti munhu iyeye abvutirwa hembe.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>