Uncategorized

Mazamu tugu atora mukadzi wemapoto

20 Apr, 2018 - 00:04 0 Views
Mazamu tugu atora mukadzi wemapoto Oliver Marakurwa achiratidza mazamu ake.

Kwayedza

Nyore Madzianike ari kwaMUTARE
MUNYAYA inoita kunge bhaisikopo, murume wekuBuhera ari kudemba zuva raakasangana nemumwe mukadzi “chenzira” muHarare, uyo akafungira kuti achazova mudzimai wake weupenyu hwose, asi ndokuzosiiwa aine kudzimbikana mumwoyo zvichitevera kumera kwaaita mazamu – mukadzi uyu achibva amutiza.

Oliver Marakurwa (38) wemubhuku raMarakurwa asara asisinawo midziyo yake yemumba apo Emma Chamisa – uyo anofungidzira kuti ndiye akamusota – akamutiza ava nedambudziko rekukura mazamu.

Marakurwa anoti akasangana naEmma muguta reHarare mumwedzi waGunyana 2011 achibva amukanda shoko rerudo – vaviri ndokuwirirana.

Zuva rimwe chetero ravapfimbana, vaviri ava vakawirirana kunogara vose kumba kwemurume uyu kuKuwadzana Extension.
Asi denga rakabva rafuratira Marakurwa sezvo rudo rwake naEmma rwusina kuzopfumbira apo akatanga kumera mazamu – murume nemukadzi vachibva vatanga kunetsana pasati pakwana kana “varoorana” vachichaya mapoto.

“Ndakasangana naye muHarare ndikamupfimba, achibva angondida pakarepo. Zuva iroro ndakabva ndanorara naye kumba kwangu, mushure ndokumuti achidzokera kumba kwake asi akaramba achiti ava kugara neni. Ndakabvumirana nazvo tikatanga kugara semurume nemudzimai,” anodaro Marakurwa.

Emma akazoita pamuviri zvikaita kuti pamuke rimwe dambudziko sezvo murume achiramba kuti imimba yake.
Marakurwa anoti akaedza kutsvaga rubatsiro rwemaporofita kuti matambudziko ake ekubuda mazamu apere.

Zvisinei, mushure mekushandisa kwakaita Marakurwa miteuro yaainge apihwa nemumwe muporofita, Emma anonzi akabva ambotiza pamba kwemazuva maviri.

“Paakazodzoka, ndakamubvunza kuti akanga aendepi iye akati ainge aenda kunotora magwaro ake ekuzvarwa kuKadoma zvinova zvakandisiya ndiine mibvunzo yakawanda.”

Marakurwa anoti kugarisana kwake naEmma semurume nemudzimai hakuna kumufadza uye mukadzi uyu akabva aramba kuti amuperekedze kumusha kwevabereki vake kuti vanoyananiswa.

“Kugarisana kwedu kwakanetsa zvekuti mukadzi uyu akazosvika pakurongedza twake achibva aenda uye akaita izvi ini ndisipo ndaenda kubasa.

“Akatakura midziyo yangu kusanganisira tirauzi rangu rejini neT-shirt, ndinovimba kuti anozvishandisa nemishonga,” anodemba murume uyu.

Anoti haana kuzomboonana naEmma uye hama dzemukadzi uyu dzinogara kuChitungwiza hadzisi kumubatsira pakumutsvaga.

Share This:

Sponsored Links