Uncategorized

Mazinyoka kumakuva eku’Unit L’

10 Apr, 2015 - 00:04 0 Views
Mazinyoka  kumakuva eku’Unit L’

Kwayedza

. . . Vanhu vari kufurufushwa

KUNE nyoka huru dzinonzi dziri kudzingirira vamwe vevanhu vanenge vaenda kumakuva ekuUnit L, kuChitungwiza, kunoviga hama dzavo kana kunoona pakaradzikwa vadikani vavo.

Kwayedza payakashanyira nzvimbo iyi svondo rapera ikanzwa zvakasiyana pamusoro penyoka dzinonzi dziri kutatandanisa vanhu idzi.

Memory Karimatsenga wekuUnit L akatsinhira nezvenyoka idzi achiti dziri kufurufusha vanhu vanenge vachida kuviga hama dzavo munzvimbo iyi.

VaSalifi Malanga (37) vekuUnit L kwekare, vanoti kuonekwa kwenyoka kumakuva aya ratova dambudziko guru.

Mashoko avo akatsinhirwa naVaTrymore Muchina (28), vekuOld St Mary’s, avo vakati nyoka dziri kuonekwawo kunyangwe kumakuva matsva ari kuSt Mary’s.

“Kumakuva matsva kuri kunzi kuri kuonekwa nyoka, pamwe inhau yekuti kune masora nematombo akawanda. Kana vanhu vachida kuenda kunozvibatsira vanotofanira kungwarira.

“Rimwe dambudziko riri uku ndere kudhirika kuri kuita makuva zvekuti mamwe mabhokisi atove pachena nekuda kwekuti ari munzvimbo inonyudza uye ivhu racho rakaita jecha,” vakadaro.

Mumwewo murume akaramba nezita rake, akati akaona vanhu vainge vachiviga hama yavo munzvimbo iyi vachitiza zvikuru mushure mekunge vaona zinyoka ravasina kuziva rudzi rwaro.

“Ini ndinofunga kuti pakati pevanhu vaiviga munhu iyeye pane akange aine mbanje kana mishonga yakaipa nekuti hazvipindirani nenyoka zvinhu izvozvo,” akadaro.

Kumarinda aya ndiko kune guva reaimbova mukuru wechechi yeJohane Masowe weChishanu, Madzibaba Godfrey Pegnick Nzira. Asi guva raNzira, kusiyana nemamwe ose ariko, rakapendwa nependi chena ndokukomberedzwa neruzhowa rwewaya pachinzvimbo chakati kurei uye pane gedhi rinogara rakakiiwa.

Madzibaba Nzira akashaya mugore ra2011 mushure mekurwara, uko kwakaita kuti aburitswe mujeri maaipikira mhosva dzekubata chibharo madzimai emuchechi yake.

Zvichakadai, zvakaonekwazve kuti pane makuva ane chitsama ayo ari chipo chemumugwagwa nekuda kwekushomeka kwenzvimbo yekuvigira vafi.

VaFrancis Gurupira, avo vanove supervisor weHousing and Cementry kukanzuru yeChitungwiza, vanoti nzvimbo iyi yazara makuva uye mamwe ave mumigwagwa asi nyaya yenyoka havana kuda kunyatsojekesa nezvayo.

“Nyaya yenyoka iri kungotaurwa nevanhu kuti yanetsa kumakuva, kusanganisira kuguva raMadzibaba Nzira. Ini handingaibvumi kana kuiramba nekuti vanhu vacho havasati vauya kuzondiudza. Pamwe vanongodziona vachitiza asi kuhofisi kwangu hapana ati auya kuzotaura nezvayo. Asi nyoka kuvemo dzirimo nekuti musango muzere masora,” vakadaro.

Vanoti vakaronga kuzocheka masora akurisa kumakuva uku.

“Panyaya yekuzara kwemakuva, ichokwadi nekuti hapana kana pekutsika. Takange tamboti vanhu vaende kunovigwa kumakuva matsva atakavamba ari pedyo nekuSt Mary’s asi dambudziko rekuwandisa kwemvura ndiro rakavhiringa zvose nekuti mota dzainyura ndokusaka takadzoka kuno asi nzvimbo hakuchisina,” vakadaro.

Share This:

Sponsored Links