Mazita evatambi

01 Jul, 2016 - 00:07 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi  Gunduza

Zvinoreva mazita evatambi:

11. Sarudza vatambi vashanu vari muna Museve Usingapotse ugotsanangura kuti mazita avo anofambirana sei nezvinoitika murungano urwu. [25]Mazita evatambi anodudzwa nerungano ndiKaringe, VaMasariranhamo, Mambo Mupambi, Mambo Tineshungu naPondai.

Karinge izita rakabva pachiito “ringa” zvinoreva munhu anosara achitarisa kana kuchengeta vamwe vanhu zvakanaka. Izvi zvinozadziswa naKaringe anodzora umambo hwababa vake, VaChakaingesu hwakanga hwapambwa naPondai. Zvinoonekwazve paanoenda kunotakanura hanzvadzi dzake dzakanga dzatapwa naMambo Tineshungu, ndokuzodzokera nadzo kumusha kwavo.

Masariranhamo zvinoreva kusara munhu uchitambudzika mushure mekusiiwa kana kufirwa nemudikani. Izvi zvinojekeswa naVaMasariranhamo vanosara vachitambudzika zvikuru mazuva anopotera murume wavo Pondai kwaMambo Mupambi asiya asina kuvaoneka. Tinozvionazve panobatwa Pondai naKaringe achida kuuraiwa, VaMasariranhamo vanotanga kudemba-demba vachiti arege kuvaurayawo vasarire zvavo nhamo yavo, ndokubva vadyungwa pamuromo naVaMatose.

Mupambi izita rakabva pachiito chekupamba, zvinoreva munhu ane undyire kana anotora zvinhu zvisiri zvake achishandisa chisimba.

Tinoenderera mberi svondo rinouya.

. Zvinyorwa izvi zviri mubhuku rakanzi Ongororo yeNhetembo neMabhuku Shona O-Level.

 

SHOKO HARIVHIKWI

Mubvunzo nemhinduro yesvondo rakapera:

19. Sarudza nhetembo shanu kubva muna Shoko Harivhikwi dzinokusuwisa. Zvino chitsanangura zvinokusuwisa munhetembo imwe neimwe. [25]

Mubvunzo uri kuda nhetembo shanu dzakakusuwisai. Dzinokwanisa kunge dzakanyorwa nanyanduri mumwe chete kana kupfuura. Zvino unofanira kudoma chakakusuwisa chacho uchichitsigira nezvinowanikwa munhetembo.

Ndasarudza nhetembo dzaAlex Chirumbwana dzinoti, Rufu rwemhandara, Manditema midzi yangu naTaparadzwa; yaJesca Rushwaya-Marwiro inonzi Gore rayo uye yaSolomon H. Munorevesa inonzi Ndioneiwo.

Mudetembo Rufu rwemhandara, chinondisuwisa ndechekuti rufu rwatorera nyanduri muzukurusikana wake anga asina mwana sepaanoti, “Mwana wehanzvadzi yangu ungafawo here usina kusiya budzi?” Mudetembo iri chinondisuwisa kuti Sara akauraiwa nevaroyi sepanonzi, “Mwana akaitwa karikiriki nevaya vasingabvaruri machira.”

Mudetembo rinonzi Manditema midzi yangu, chinondisuwisa ndechekuti rufu rwatora baba vanyanduri vatambudzika nekurwara sepaanoti, “Vakazofa hosha yangova ndambirira kwemakore matatu.” Chinondipa kusuwa ndechekuti rufu rwakambourayazve amai vanyanduri  sepaanoti, “Vakatanga kutungamira ndimai.”

Mune rimwe detembo rinonzi Taparadzwa, chinondisuwisa ndechekuti rufu rwunouraya vanhu vakawanda panguva imwe chete sepanonzi, “Vanhu makumi mashanu nevaviri vakaparara.” Chinosuwisa ndechekuti vamwe vanhu vakafa vachitsva nemoto ndokushaikwa sepaanoti, “Vamwe vakatsviramo, vakatsakatikiramo.”

Mudetembo rakanzi Mhandu yemunhu, chinondisuwisa ndechekuti mwana wechikoro akafa mushure mekubaiwa nebanga nekutemwa nemabwe sepanonzi, “Chitunha chemwana wechikoro chakanongwa chichingove mavanga-mavanga, auraiwa nebanga nematombo.” Zvimwe zvinondisuwisa kunzwa kuti munhu anosemwawo nezvipuka sepanonzi, “Kuvengwa wanei, wosemwa neimbwa zvose nekatsi.”

Muna Ndioneiwo, chinondisuwisa ndechekuti mwanasikana ari kushaya anomuonawo kuti agomuroora sepaanoti, “Hwangu ukama nevakomana hwangova hwembudzi norukova.” Chinondipa kusuwa kunzwa kuti mwanasikana anotizwa nevakomana sepaanoti, “Hamuoni here, ndava rukova, ivo vave mbudzi?”

Sarai muchiita tsvakurudzo yemubvunzo unotevera:

Alex Chirumbwana anonyora pamusoro pedingindira rekuyemura. Tsigira zvizere nenhetembo dzake shanu dziri muna Shoko Harivhikwi. [25]

Svondo rinouya ndichakubatsirai kuti mubvunzo uyu waifanira kupindurwa sei.

 Zvinyorwa izvi zvinowanikwa mubhuku rinonzi Mhinduro Yeuvaranomwe Mabhuku neNhetembo: Shona O-Level (Revised Edition).

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey