Mazita nezvaanoreva

27 Jul, 2018 - 00:07 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi  Gunduza
KUPINDIRANA kwemazita evatambi nezviito kana unhu hwavo:

Kana wasangana nemubvunzo unoda kuti uongorore kupindirana kwemazita nezviito kana unhu hwevatambi, pane chinhu chimwe chete chaunofanira kuita nguva dzose. Tanga nekutsanangura zvinoreva zita sekunzwisisa kwako asi usingape mienzaniso inobva munyaya, zvirungamutauro zvakaita setsumo, nyaudzosingwi, fananidzo kana madimikira.

Tsananguro yaunopa maererano nezita inoratidza zvaunonzwisisa iwe pachako usati watanga kuita ongororo dzakadzama. Semuenzaniso, ukaona zita rekuti Munyaradzi ndezvipi zvinhu zvaunonzwisisa pazita iri?

Zvisinei nemabasa kana unhu hwemuridzi waro – zita iri rinoreva kunyaradza kana kuti munhu anoburitsa vamwe vanhu kubva panguva inorwadza. Kunyaradza kunogona kuve kuunza runyararo muvanhu vanenge vasiri kuwirirana. Izvi ndizvo zvimwe chete zvaunosungirwa kuita mutsananguro dzako dzemazita evatambi usati watanga kudoma zvavanoita zvinoenderana nemazita avo.

Pari zvino tichatarisa mamwe emazita ari muna Manyambiri tichishandisa nzira yatsanangurwa pamusoro apo. Mazita asarudza kuti aongororwe ndeaya; Paidokwairiramwoyo, Rufuse, Ndakasemwa, Shayamano naNyadziso

Tonoenderera mberi neongororo iyi svondo rinouya.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey