Mazita nezviito

03 Aug, 2018 - 00:08 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza

TINOENDERERA mberi neongororo yezvinoreva mamwe mazita evatambi nezviito zvavo.

Paidokwairiramwoyo zvinoreva chinhu chekuti munhu anenge achiita kuchifarira zvikuru kuti achiwane muupenyu hwake. Zita iri rinofambirana nekuzvarwa kunoitwa Paido naNdakasemwa naRufuse mushure mekunge vaita nguva huru kwazvo vasina kubatsirwa nevana.

Pavanozozvara mapatya avo, mumwe wacho vanomupa zita rokuti Paidokwairiramwoyo kududza kuti kugara kwavo kwose ndizvo zvakanga zvichidiwa nemwoyo yavo.

Nduramo anoroora Paido nekuti ndipo pakanga pachidokwairira mwoyo wake kuti agare naye.

Rufuse — aya madota anopisa zvikuru asi anoita sekunge asina moto. Ukamabata usina kuziva ndipo paunopiswa chaizvo nerufuse. Saka muchidimbu tingangoti rufuse anogona kuve matambudziko anowira vanhu.

Izvi zvinoenderana neupenyu hwairaramwa naRufuse sezvo tichiona achitambudzika zvikuru nekushaiwa mbereko. Anopinda munguva yakaomarara apo mwanasikana wake Paida paanoisira mhuri yaMambo Njeremavhu muchetura muchikafu kusvikira ave kuda kudzingwa mudunhu iri.

Kudzoka kumusha kunoita Paido achibva kumurume kunomushungudza zvakare sezvo zvichizopedzisira zvava kumunetsesa nevanhu vemuimba youmambo.

Tinopedzisa ongororo iyi svondo rinouya.

 

Share This:

Sponsored Links