Uncategorized

Mazuva atopindana

31 Oct, 2014 - 09:10 0 Views

Kwayedza

MWEDZI waGumiguru watopera. Kupera kwawo kufambawo kwenguva. Zvoreva kuti mugore ra2014 tatofamba mwedzi gumi, uye zvichirevawo kuti kwasara mwedzi miviri kuti gore rino ripere. Richapera vanhu vachiti “chandagona hapana jeri reBindura” here?

Ndanyora kakawanda kuti munyori ane hunyanzvi Charles Mungoshi akaburitsa bhuku rake ramandiriri kuma1970 rinonzi “Ndiko kupindana kwamazuva”.

Mungoshi akanyora aine ziso nepfungwa dzakapinza, ziso rokuona kuti kunyange tichiwana nguva, asi nguva iyi haisi yedu, uyewo kuti kana yawanikwa kwoburitswa zvinhu zvine pundutso. Kuzochema-chema kuti gore rapera, asi hapana zvandaburitsa zvine musoro, nokuti kana nguva yatopfuura hakuna zvakare imwe nguva yakafanana naiyoyo ichauya kuitsiva kuti ukwanise kuita zvaunenge usina kuita.

Muenzaniso uri nyore ndewavana vari kunyora bvunzo muzvikoro izvozvi. Gore rese, kwete zuva rimwe chete, vakange vaine nguva yokugadzirira bvunzo, asi hazvishamisi kuti vamwe vavo vari kukungura kuti havana kushandisa mukana iwoyo kugadzirira. Kukungura kwomunhu anenge achiziva kuti akatambisa nguva, uye kuti atarisana nokufoira, noupenyu hunoparara.

Pamabasa, zvimwe chete. Kudzimba nomumhuri ngoma ndiyo ndiyo.

Nguva ndeyaMwari uye yakakosha, asi kuikoshesa kwacho ndiko kunoita kuti vanhu vazive kukosha nokufamba kwayo.

Musi weChipiri, mutungamiri wenyika President Mugabe vakavhura zviri pamutemo dare reParamende (“Second Session of Eighth Parliament”).

Vanoziva mafambisirwo edare reParamende vanoona kuti kwabviwa kwave kure, asi pachiri norwendo. Dare rakavhurwa musi weChipiri rinotarisirwa kuvandudza mitemo yenyika yakawanda, mitemo yakare kare kuti ifambirane nebumbiro idzva romutemo rakapasiswa gore rapfuura.

Kusafambidzana kwemitemo iyi nebumbiro idzva muenzaniso wokuti yatove imwe nguva, saka vanhu ngavachikanganwa nezvemitemo yenguva yavachena uyewo mimwe yakapasiswa nyika payakawana kuzvitonga kuzere.

Ndiko kupindana kwamazuva kwatiri kutaura nokuti dzimwe nguva tinobatirira pazvinhu zvinotishaisa mukana wokuenderera mberi – zvinhu zvinosunga vanhu nenyika zvese.

Vamiriri vedare reParamende vachakwanisa kuziva kuti kare haagari ari kare here kuitira kuti nyika ifambe nokuti kana nyika yeBritain yakange iine mitemo mizhinji yakasunga nyika vave kuonawo kuti zvechokwadi mazuva anopindana?

Mukupindana kwamazuva ikoku, ndipo panobuda kuti nyika yeZimbabwe inokoshesa nguva here kana kuti kwete.
Zimbabwe iri kufambidzana nenguva here kana kuti nguva iri kufamba iyo Zimbabwe ichisara mumashure?

Zvakwasara mwedzi miviri kudai, ndezvipi zvinganzi nenyika yakaita zvinozadza mukombe, uyewo ndezvipi zvinoda kutariswa pakare sezviri kuitwa mitemo kudare reParamende?

Gore rapfuura tichienda kusarudzo dzomusi waJuly 31 takaimba taimbazve kuti, “Runyararo rwunotanga neni; runyararo rwunotanga newe; runyararo rwunotanga nesu tese.” Inguva yakatofamba tichitaura izvi. Zvita ave kusvika, uyewo rimwe gore radongorera.

Chifungisisa kuti kubva muna Ndira kusvika nhasi uno, nguva yafamba iyi waburei uyewo kuti wabatsira kuti nyika ibure chii!

Share This:

Sponsored Links