Mazwi anoreva zvakawanda

21 Dec, 2017 - 00:12 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga —
GORE ra2017 roenda kumagumo uyewo upenyu hutsva hwaswedera hwekuti tava kuchinodzidza zvidzidzo zvepamusoro. Nokudaro tinodawo kuchivhara nhava yedu kuitira kuti kana tonosangana nemipanda mberi kwotoenda, tinge totanga zvitsva asi takatsindira nhava yedu yedzidzo kubva muzvidzidzo zvatakawana kubudikidza nebepanhau reKwayedza.

Ruzivo irworwo rwatakawana tinofanirwa kurwuvharira munhava yedu umo tinozosunungura kana nguva yekuti tizviburitse yakwana. Chero matichafamba, nokuti tatobva zera kudai, tinenge totobvunzwawo mibvunzo tichikwanisa kuipindura pasina zvinonetsa nekuti zvose tinenge tiinazvo.

Ugo hwedu kana utesve hunobuda mukugona kwedu kushandisa mazwi echiShona chaiwo zvichiburitsa pachena zvaanoreva. Mamwe mazwi anogona kunge akanyorwa nezviperengo zvakafanana asi achireva zvakasiyana.

Ndipo pane vavariro yangu kuti nhava dzedu dzizare nekuti pane padzichadiwa chete. Hatidi kuti munhu agozowanikwa achitadza kubatsira vanhu nemhinduro nekuti pataurwa izwi raasingazive.

Mukana uno ndinoda kuti titarise mazita akanyorwa nezviperengo zvakafanana asi achireva zvakawanda zvakasiyana sekuti izwi rokuti kunyara rinogona kureva kusvoda asi nerimwe rutivi richireva kuneta mushure mekumhanya kana kuita basa rakarema.

Kana chinhu chikaramba kukwana mumudziyo kana pane chimwe chinhu tinoti chiri kupata. Kupata zvakare zvinogona kureva kurasa tsika dzinoitwa nevese verudzi kana dzinza rako. Kupata zvakare zvinogona kureva kuita kwehuku kwekuti inoramwa mazai ayanga yava kurarira.

Ramba ihove hombe kana kuti mbatye. Mombe isingabereki inogona zvakare kunzi ramba.

Ngura ruvara rwakatsvukuruka rwunobuda pasimbi kana ichinge yasiiwa iine hunyoro yozooma yoga pasina kupukutwa. Tinogona zvakare kushandisa ngura tichireva kugeza. Hazviperere ipapo nokuti ngura izwi rinogona kureva kusasimba kwebadza kana demo riri mumupinyi.

Kana takwanisa mwedzi gumi nemiviri tinoti tava negore. Kune rumwe rutivi gore zvinogona kureva fuwa kana kuti guti. Gore zvakare zvinoreva chirugwi chembudzi.

Nyanza inonzi gungwa asiwo gungwa zvinogona kureva kupedza nyota kana kugondwa.

Nhanga tinonyanyoiziva iri imba inorara vasikana asi nerumwe rutivi zvinogona kureva mwana wemuboora kana kuti mutikiti. Nhanga zvakare zvinoreva panorara mombe masikati dzabva kunonwa mvura dzichimbozeya.

Kana munhu achirwara anopota achipiwa mishonga nevanenge vachimuchengeta. Kubatsira murwere ikoko kunonzi kupepa. Pepa rinogona kureva pekunyorera uye kusvuta fodya kunonzi kupepa kunyanya kana iri kuputirwa muchikwepa.

Kana taisa chibage musaga tinorisona kurivhara tichishandisa dumbo. Kusona nedumbo ikoko kunonzi kupfuma. Kupfuma zvakare kunogona kureva kunota.

Mwana anonoka kufamba tinoti idera asiwo dera zvinogona kureva kumusoro kwerwizi. Tinogona kuti doro tichireva munda unorimwa tsenza kana mupunga. Doro zvakare chinwiwa chinodhaka kana kuti hwahwa.

Mukono wemhembwe unonzi dimura ukuwo dimura zvinoreva kugwishura kana kudambura chinhu.

Tabva tavhara nhava yedu kwava kusona nedumbo. Tava kupinda muKisimusi apo tichasangana nekufara tichidya twunonaka nekupfeka mbatya itsva. Inguva yekupa nekupiwa zvipo. Ndinokushuvirai zororo rizere nemufaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey