Mbada Diamonds Cup yadzoka

03 Oct, 2014 - 09:10 0 Views

Kwayedza

MUTAMBO weMbada Diamonds Cup wakaparurwa svondo rino muHarare uye gore rino uchaona zvikwata zvina izvo zvichapedza zviri pamusoro muligi reCastle Lager Premiership zvichirwira mukombe uyu.
Achitaura svondo rino pakaparurwa mutambo uyu, sachigaro weMbada Diamonds Cup, George Manyaya akati gore rino richange rakasiyana nemamwe makore adarika sezvo zvimwe zvikwata zvemuPSL izvo zvichatadza kupinda muTop 4 zvichangopihwa mari kunyangwe hazvo zvisina kukava bhora mumutambo uyu.

“Mutambo weMbada Diamonds Cup wadzoka zvekare asi wegore ra2014 wadzoka une musiyano sezvo zvikwata zvina chete ndizvo zvichange zvichibandana mumutambo uyu.

“Pachapera mitambo yeligi yeCastle Lager Premiership, zvikwata zvina izvo zvichapedza zviri pamusoro ndizvo zvichakwikwidza mumutambo uyu uye zvichahwina musemi-fainari ndizvo zvichabva zvapinda mufainari yacho.

Kuronga kwatiri kuita mutambo wegore rino tinoona kuchibatsira kusimbisa mutambo uyu pamwe nekuita kuti unakidze zvikuru.

“Tinoziva kuti zvimwe zvikwata 12 zvichatadza kupedza zviri pamusoro zvinogona kubatikana sezvo zvinenge zvakatarisirawo kukwikwidza mumutambo uyu saka isu takazviona takakodzera kuti tichazvipawo mari inosvika US$10 000 kunyangwe zvisina kukava bhora,” akadaro Manyaya. Gore rino, kusiyana nemamwe makore ese, chikwata chichasimudza mukombe chichawana US$50 000 uye chichakundwa mufainari chichapihwawo US$30 000.

Zvimwe zvikwata zviviri izvo zvichakundirwa kumasemi-fainari zvichiwaniswawo US$15 000.

Manyaya akaenderera mberi ndokuti mutambo wegore rino uchatanga apo pachapera ligi rePSL uye sangano rePremier Soccer League ndiro richazivisa kuti uchatambirwa kupi nemazuva acho.

“Zvese tave kuzvisiira mumaoko ePSL sezvo iriyo icharonga mazuva achatambwa mitambo iyi,” akadaro Manyaya.

Mutambo uyu wakatanga mugore ra2011 Dynamos FC ndokuuhwina pamwe nemuna 2012 asi gore radarika Highlanders FC ndiyo yakatora mukombe uyu apo yakakunda How Mine mufainari.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey