‘Mbama dzako dzinondidhaka’

17 Jul, 2014 - 17:07 0 Views
‘Mbama dzako dzinondidhaka’

Kwayedza

VANHU vaive mudare vakasara vati kanha nekushamiswa apo mumwe mukadzi akati murume wake anomuzvambaradza kusvikira “adhakwa”.
Sandra Maringa akamhan’arira Andrew Maringa kuHarare Civil Court achiti anogara achirohwa nekutukwa.

“Ishe wangu, handina chimwe chandauya kuzotsvaga kuno kudare kunze kwekuwaniswa gwaro rinondichengetedza kubva mukutukwa nekurohwa nemurume wangu. Handisi kuda kurambana naye nekuti ndichiri kumuda, asi kuti ndinoda kuti dare rimurambidze kundirova negwaro iri.

“Anongona kundirova zvekuti ndinosara ndadhakwa nembama dzake kana nechipi zvacho chaanenge asarudza kundirova nacho. Paanenge achindirova dzimwe nguva anombokanganwa kuti ndiri mukadzi wake.

Anogona kungondituka nemashoko chero aanzwa kuda zvekuti dzimwe nguva ndinombofunga kuti ane zvamugara asi ndozozvigamuchira sezvo ari murume wangu. Murume ndichiri kumuda asi hunhu hwake ndihwo hwandinoda kuti hupere,” akadaro mukadzi uyu.

Andrew akabvuma mhosva yekurova mukadzi wake achiti hasha ndidzo dzinomukunda.  Akati: “Kunetsana mudzimba kunowanikwa, nemukadzi wangu tinogona kumbotadza kuwirirana nezvinhu zvidiki. Tinozoguma tava kumarana mumba nekuda kwehasha dzinenge dzandiwandira asi ndinenge ndisina kuzvironga.

“Mukadzi wangu ndichiri kumuda zvekuti handina kumbofungidzira kuti angasvika pakundimisa pamberi pedare.

Sechikumbiro chake, ndinoti dare ritonge matongero aro. Handisisina tarisiro yekuti ndingamurova futi sezvo ndadzidza.”

Mutongi Tafadzwa Muvhami akapa Sandra gwaro redziviriro akati vaviri ava vagarisane murunyararo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>