Mbappe oshuvira Kante

27 Jul, 2018 - 00:07 0 Views

Kwayedza

MUTAMBI weParis Saint-Germain, Kylian Mbappe, anoti akaedza kukurudzira N’Golo Kante weChelsea kuti auye kuzotambira chikwata chekuLigue 1 apo vaviri ava vaive kumutambo weWorld Cup.

Mbappe, uyo ane makore 19 okuberekwa, akaudza muridzi wePSG Nasser Al-Khelaifi kuti atenge mutambi uyu kubva kuchikwata ichi chekuPremier League.

Kante, uyo akahwina mukombe wePremier League kaviri, ange achinzi ari kudiwa kuParc des Princes mwaka uno uye Mbappe ari kutsigira kutengwa kwemutambi uyu.

“Ndakaudza (Al-Khelaifi) zvakare kuti Kante anenge akatinakira mukamutenga auye kuchikwata chedu,” akaudza France Football.

“Ndakataura naN’Golo pataive kuWorld Cup asi ndisingamumanikidze nekuti ndinoziva zvinoitika kana zvikapinda mumusoro wako zvekuda kutengwa nezvimwe zvikwata.

“Pakupedzisira ndakangoisa mashoko mashoma muhomwe dzake zvandakanyora pakapepa, izvo zvandinoziva akazozviona adzokera kumba kwake.”

Mbappe naKante havasati vadzokera kuzvikwata zvavo zvichitevera kuhwina kwavakaita kumutambo weWorld Cup neFrance nguva pfupi ichangodarika. Vaviri ava vakabatsira Les Blues kuhwina mukombe weWorld Cup kechipiri munhorondo yechikwata ichi mushure memakore 20 zvichitevera kukunda kwavakaita Croatia 4-2 mufainari yemutambo uyu. —SportsMail Football

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey