Uncategorized

Mbavha dzematv dzakasungwa

21 Nov, 2014 - 00:11 0 Views
Mbavha  dzematv dzakasungwa

Kwayedza

tvsShamiso Kufaruwenga
GAVA rakazodambura musungo kune dzimwe mbavha mbiri dzekuChitungwiza idzo dzakazobatwa ndokutongerwa kugara mujeri kwemakore masere mushure mekunge dzarura nekuba materevhizheni echizvino-zvino. Muchuchisi wedare reChitungwiza Magistrates’ Courts, Pauline Chamunorwa, akati Talent Shereni (30), wepanhamba 15199 Unit O, Seke nemumwe wake Mbonisi Ndlovu (27), wepa15367 Unit O, zvakare vakaba materevhizheni masere vachitengesera vanhu kusvika apo pavakazobatwa. Ndlovu naShereni vakaramba mhosva yavo pamberi pedare vachiti vaingopomerwa nemapurisa akavavenga.

“Hatisi mbavha isu, takangorovererwawo nemapurisa aya. Vakambotiona tichiba kupi? Zvivhitivhiti ndezvedu izvi vakangorongana nevanhu ava kuti tifire mujere, hatina mhosva isu. Tingabe maflat screen achipa mutaundi?” akadaro Ndlovu. Zvisinei, vaviri ava vakabatwa nemhosva iyi nekuda kweumboo hwakapihwa mudare.

Mutongi Don Ndirowei akati kurozva munhu zvinhu zvaanenge atenga nemari yeziya rake zvine chirango chikuru nokuti vanhu vanoshaya mufaro mudzimba dzavo dzinenge dzichipazwa. Vaviri ava vakatongerwa kugara mujeri kwemakore masere nemwedzi mitanhatu.

Share This:

Sponsored Links