Uncategorized

Mbavha yembatya yakasungwa

16 Jan, 2015 - 00:01 0 Views
Mbavha yembatya yakasungwa

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
MUMWE mukomana wechidiki wekuChitungwiza akadzidza kuti kuba hakubhadhare apo akapihwa chirango chekugara mujeri kwemwedzi 17 izere mushure mekupaza musha wevaridzi ndokuba midziyo inokosha US$150. Mutongi Musaiona Shortgame akatemera Evance Makuni (22), wepanhamba 5815 Manyame Park, chirango chekugara mujeri kwemakore maviri asi ndokuzomubvisira mwedzi mitanhatu paine chitsidzo chekuti haafaniri kupara imwe mhosva yerudzi urwu makore mashanu asati adarika. Akabvisirwa mumwe mwedzi mumwe chete paine chitsidzo chekuti adzosere zvinhu zvaakaba.

Muchuchisi Norman Koropi akaudza dare kuti nomusi wa28 Zvita gore rapera munguva dzemanheru, Makuni akaenda kumba kwemumhan’ari, Alex Chinoza (27), panhamba 985 Chikomo St Mary’s, uko akasvikopaza musiwo ndokuba mapeya maviri eshangu, bhegi nemidhebhe mina.

Chinoza paakabva kubasa akawana zvinhu zvake izvi zvisimo achibva abvunza mufakazi Blessed Mahembe, uyo akange aona zvese zvichiitika, zvikaita kuti vaende kunomhan’ara nyaya iyi kumapurisa.
Pamidziyo yese yakabiwa hapana kana chimwe chete chakawanikwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey