Mbira: hwaro hwetsika …‘Ndidzo dzinobatanidza vapenyu nevadzimu’

01 May, 2015 - 00:05 0 Views
Mbira: hwaro hwetsika …‘Ndidzo dzinobatanidza vapenyu nevadzimu’

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MUSAMBO wembira kana kuti deze unonzi wakabatsira zvikuru mukurwiwa kwehondo yerusununguko rweZimbabwe apo dzairidzwa masvikiro achipa varwi gwara rakanaka rekufamba naro zvisinei kuti mazuva ano kune vamwe vanotarisira mbira pasi. Kune masvikiro ane chitsama akabatsira zvikuru muhondo iyi apo varwi vaienda kwavari vachinotsvaga mazano ekuti vatungamirirwe nevadzimu muhondo yekurwisana nemabhunu.

Muimbi uyu mukwenyi wembira ane mukurumbira, Tendayi Samaita Gahamadze (58), uyo anotungamirira chikwata cheMbira dzeNharira, anoti zvinoshamisa kuti nhasi uno kune vanhu vatema vave kutevedza tsika nemaitiro emamwe marudzi vachisiya chivanhu chavo.

“Hondo yaipihwa gwara nembira nemasvikiro, asi nhasi tinoona kuti mbira hadzisi kucherechedzwa zvakanaka, dzasarira kumashure, dzave kudiwa nevane mari kare avo vanoziva kuti kuti uite mari unotokumbira kumadzitateguru ako vokunzwa. Vasina mari ava vanomhanyira kumachechi kwavanonzi vanowana mari mangwana chaiye,” anodaro mukwenyi wembira uyu.

Anoti kazhinji hakuna chingaitwe nemunhu mutema chingabudirire kana pasina kudyidzana nemidzimu yake.
“Mbira dzinoita kuti ukwanise kutaura nemidzimu yako pasina kana dambudziko, iyowo midzimu yokukwidza kuna Musikavanhu.”
Mbira, anodaro Gahamadze, dzinoratidza hwaro hwetsika nehunhu hwevanhu vatema vemuZimbabwe. Anoti izvi akazvionera apo akaenda kuchikoro kuGermany mugore ra1982 apo vanhu vakaiswa muzvikamu zvekunyika dzavo vachiita tsika dzekwavo.

“Ndaiva ndaenda kuchikoro kuGermany kunoita Metalogy, vamwe vedzimwe nyika vakatanga kuita zvekwavo zvaisanganisira kutamba zvigure nezvimwewo uye mukati mavo maiva nevekuCongo vairidza Rhumba nemagitare. Isu takasimudzwa tikashaya chekuridza ndokuzoimba ‘Ishe Komborera Africa’. Kubva ipapo ndakabva ndaziva kuti munhu tevedza zvekwako pasina kunyara,” anodaro Gahamadze.

Anoti vakazodzoka kuZimbabwe gore ra1986 ndokutanga zvembira muna1987.
“Nyaya yekuti ndaizoridza mbira yakanga yagara yakataurwa nesvikiro kune vedzinza redu kumusha kwedu kuMusengezi pataiva kupurazi rababa. Saka hazvina kushamisa apo ndakatanga kuridza mbira.

“Matangiro angu kuridza mbira anoshamisa, zvakatangira kuMhondoro kubanya raChoshata uko ndakasvikako ndokunzi ndigareko. Ndakazopihwa kusvikiro rainzi Seke naKanodira ndikazotanga kudzidziswa kuridza mbira ndikabva ndagona.”

Anoti aidzidziswa kuridza mbira vari mhiri nemhiri kwerwizi rwaNyundo naKanodira.
Gwenyambira uyu anoti akazotenga mbira dzake ndokuzogadzirirwa dzimwe mbiri ikoko idzo akadzoka nadzo kuNorton.
Anoti adzoka kuNorton mugore ra1989 kusvika 1990, akatanga kuridza mbira mumapira nepamba pavaigara apo anoti akazobatana naWilfred “Nyamasvisva” MaAfrika.

“Mugore ra1992 takazobatana ndokuenda kunoridza kumutambo weJenaguru wairongwa naClive Malunga tikaita mbiri. Tatakazoenda kuZTV tikanotsikisa kambo kainzi Rine Manyanga Hariputirwe nechikwata cheMbira dzeNharira.

“Tiri tose kudaro, takamboridzira muhotera yeSagonda kuno kuNorton yakanga yava kunzi Raz Mataz. Asi, tichitanga taida kuti chikwata ichi chinzi Nharirire dzeNharira apo taiedza kududzira kunetsana kwaiita Sekuru VaMushore nemuchena wepurazi rine makomo eNharira ainzi Hinde. Saka takazoti Mbira dzeNharira zvabva pagomo reNharira paigara Sekuru Mushore.

“Kurakidza kuti chivanhu chiriko, zita rekuti Mbira dzeNharira rakanokumikidzwa naSekuru Mushore pabira ratakarara tichiridza kumakomo ikoko. Takabvumidzwa kurishandisa tikanzi naivo sekuru haraimbofa rakafa uko takapetera nejira nezvambwa zvefodya. Saka anoda kurwisana naro anenge achirwisana nemhepo yaVaMushore,” akadaro Gahamadze.

Anoti chikwata ichi chichiri kubatana vakabura madambarefu anosanganisira Rine Manyanga Hariputirwe, Gomo reMandiriri iro rakatsikiswa kuAmerica, Tozvireva Tingaputike Neshungu, Kudya Kwenzeve, Toita Zverudo naGona Mombe Rerume.

Pavakapatsanurana naMaAfrica anoti vakazotsikisa madambarefu anoti Fare-Fare Tindike, Nyamubvambire Wamuka, Todya Pforo, Dziva Renjuzu nemavhidhiyo anosanganisira Rwendo Rwekure.

“Pakabuda MaAfrika muchikwata chedu mugore ra2005, akanoumba chikwata cheMawungira eNharira ini ndokusara. Vamwewo vakazotevera saChrispen Mujongondi uyo akanoumba chikwata cheNhare dzeChirorodziva, Micah Munemo ndokunovamba Ninga dzeNharira, Edmore Chikanya akanotangawo Mbira dzeNharo,” akadaro Gahamadze.

Anoti chikwata chake chine nhengo dzinosanganisira Clemence Rice anorova nhovapasi (base), Takawira Devera anoridza nheketo (lead) uye achiimba, Chaka Chakandika anoridza karimba nekuimba, pahosho paina Tendai Kazuru naAssan Wilson.
Vekutamba vanoita vekutsvaga panguva yavanenge vave kuvada.

“Nzendo dzedu dzekunze tinonyanya kushanya tichinoridza kuSouth Africa, China, Malawi uyewo pari zvino tiri kuita gadziriro yekuenda kuGermany. Asiwo tine zvimwe zvitsva zvatiri kugadzira uye tichazvizivisa kana zvaita.”
Gahamadze akaroora Evelyne Mandewo mugore ra1982 uye vane vana vatatu.

Baba vaGahamadze, VaTigerepayi Jeremiah vari kupurazi kwavo kuMusengezi asi amai vakashaika.
Zvakadai, chikwata cheMbira dzeNharira chiri kuvaka musha wechivanhu kuKatanga, kuNorton unodaidzwa kuti Mbira dzeNharira Culture Centre, apo pachange pachiratidzirwa zvinhu zvakasiyana zvechivanhu.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey